Pisarema 59:1-17
Kumutungamiriri. “Musaparadza.” Rwiyo rwaDhavhidhi. Miktamu. Sauro paakatumira shoko, vakaramba vakarinda imba yacho, kuti vamuuraye.+
59 Ndinunurei pavavengi vangu, haiwa Mwari wangu;+Ndidzivirirei pane vaya vari kundimukira.+
2 Ndinunurei pavanhu vanoita zvinhu zvinokuvadza,+Ndiponesei pavarume vane mhosva yeropa.
3 Nokuti tarirai! vakavandira mweya wangu;+Vakasimba vanondirwisa,+Ini ndisina kumukira, uyewo ndisina kana chivi chandakaita, haiwa Jehovha.+
4 Kunyange ndisina kukanganisa, vanomhanya vozvigadzirira.+Mukai pandinoshevedzera muone.+
5 Haiwa Jehovha Mwari wemauto, imi ndimi Mwari waIsraeri.+Mukai mufunge nezvemarudzi ose.+Musanzwira nyasha chero vatengesi vapi zvavo vanoita zvinhu zvinokuvadza.+ Sera.
6 Vanoramba vachidzoka manheru;+Vanoramba vachihukura sembwa+ uye vanopoterera guta rose.+
7 Tarirai! Vanopupuma nemiromo yavo;+Mapakatwa ari pamiromo yavo,+Nokuti ndiani akateerera?+
8 Asi imi, haiwa Jehovha, muchavaseka;+Muchanyomba marudzi ose.+
9 Haiwa imi Simba rangu, ndicharamba ndakakumirirai;+Nokuti Mwari ndiye nzvimbo yangu yakakwirira yakachengeteka.+
10 Mwari anondiitira mutsa worudo achandigamuchira;+Mwari achaita kuti nditarire vavengi vangu.+
11 Musavauraya, kuti vanhu vangu varege kukanganwa.+Vadzungairisei nesimba renyu,+Vawisirei pasi, haiwa nhoo yedu Jehovha,+
12 Nokuda kwechivi chomuromo wavo, iro shoko remiromo yavo;+Ngavabatwe mukudada kwavo,+Kunyange nokuda kwokutuka nounyengeri zvavanodzokorora.
13 Vaparadzei makatsamwa;+Vaparadzei, kuti varege kuvapo;Ngavazive kuti Mwari ari kutonga pakati paJakobho kusvikira kumigumo yenyika.+ Sera.
14 Ngavadzoke manheru;Ngavahukure sembwa, vapoterere guta rose.+
15 Ivavo ngavadzungaire vachitsvaka chokudya;+Ngavarege kuguta uye ngavarege kurara usiku hwose.+
16 Asi ini ndichaimba nezvesimba renyu,+Mangwanani ndichataura ndichifara nezvomutsa wenyu worudo.+Nokuti makava nzvimbo yakakwirira yakachengeteka kwandiri+Nenzvimbo yokuti nditizire pazuva rokutambudzika kwangu.+
17 Haiwa imi Simba rangu, ndichakuimbirai,+Nokuti Mwari ndiye nzvimbo yangu yakakwirira yakachengeteka, Mwari anondiitira mutsa worudo.+