Pisarema 60:1-12

Kumutungamiriri weRuva reChiyeuchidzo. Miktamu. Rwiyo rwaDhavhidhi. Rwokudzidzisa.+ Paakarwa neAramu-naharaimu neAramu-Zobha, Joabhi akadzoka, akauraya vaEdhomu muMupata woMunyu, vane zviuru gumi nezviviri.+ 60  Haiwa Mwari, makatirasa, makatirwisa,+Makatitsamwira kwazvo. Tidzorerei.+   Makazunungusa nyika, makaitsemura.+Gadzirisai mitswe yayo, nokuti yazununguka.+   Makaita kuti vanhu venyu vaone kutambudzika.+Makaita kuti tinwe waini inotidzedzeresa.+   Makapa vaya vanokutyai chiratidzo+Kuti vatize uta vachiita zvokunzvenga-nzvenga. Sera.   Kuti vamunoda vanunurwe,+Haiwa, ponesai noruoko rwenyu rworudyi mutipindure.+   Mwari akataura muutsvene hwake achiti:+“Ndichapembera nomufaro, ndichaganhura Shekemu kuti ive nhaka;+Ndichayera bani reSukoti.+   Giriyedhi ndeyangu uye Manase ndeyangu,+Efremu inhare yomukuru wangu;Judha mudonzvo wangu womutungamiriri.+   Moabhi ihari yangu yokugezera.+Ndichakanda hwashu yangu pamusoro peEdhomu.+Ndichashevedzera mukukunda pamusoro peFiristiya.”+   Ndiani achandiendesa kuguta rakakombwa?+Ndiani achanditungamirira kusvikira kuEdhomu?+ 10  Haiwa Mwari, hamusi imi here makatirasa+Uye musingaendi nemauto edu saMwari wedu?+ 11  Tibatsirei mukutambudzika,+Sezvo kuponeswa nomunhu wepanyika kusingabatsiri.+ 12  Tichapiwa simba naMwari,+Uye iye achatsika-tsika mhandu dzedu.+

Mashoko Emuzasi