Pisarema 61:1-8
Kumutungamiriri wezviridzwa zvine tambo. RwiyorwaDhavhidhi.
61 Haiwa Mwari, inzwai kuchema kwangu kwokuteterera.+Inzwai munyengetero wangu.+
2 Ndichashevedzera kwamuri ndiri kumugumo wenyika, mwoyo wangu pauchashayiwa simba.+Nditungamirirei padombo rakakwirira kundipfuura.+
3 Nokuti muri nzvimbo yangu yokupotera,+Shongwe yakasimba pandinonangana nomuvengi.+
4 Ndichava mueni mutende renyu nokusingagumi;+Ndichapotera munzvimbo yokuvanda yemapapiro enyu.+ Sera.
5 Nokuti imi, haiwa Mwari, makateerera mhiko dzangu.+Makandipa nhaka yevaya vanotya zita renyu.+
6 Muchawedzera mamwe mazuva pamazuva amambo;+Makore ake achaenzana neezvizvarwa nezvizvarwa.+
7 Achagara pamberi paMwari nokusingagumi;+Haiwa mupei mutsa worudo nechokwadi, kuti izvi zvimuchengetedze.+
8 Naizvozvo ndichaimbira zita renyu nokusingaperi,+Kuti ndiripe mhiko dzangu zuva nezuva.+