Pisarema 62:1-12
Kumutungamiriri weJedhutuni. Rwiyo rwaDhavhidhi.
62 Chokwadi mweya wangu wakamirira Mwari wakanyarara.+Ruponeso rwangu runobva kwaari.+
2 Chokwadi iye ndiye dombo rangu noruponeso rwangu, nzvimbo yangu yakakwirira yakachengeteka;+Handizozununguswi kwazvo.+
3 Mucharamba muchivavarira munhu wamungaponda kusvikira rini?+Mose makaita sorusvingo rwakatsveyama, rusvingo rwematombo ruri kusundidzirwa mukati.+
4 Chokwadi vanopa zano kuti vafurire munhu kuti abve pakukudzwa kwake;+Vanofarira nhema.+Vanokomborera nemiromo yavo, asi vanotuka mumwoyo mavo.+ Sera.
5 Chokwadi mirira Mwari wakanyarara, haiwa mweya wangu,+Nokuti tariro yangu inobva kwaari.+
6 Chokwadi iye ndiye dombo rangu noruponeso rwangu, nzvimbo yangu yakakwirira yakachengeteka;+Handizozununguswi.+
7 Ruponeso rwangu nokukudzwa kwangu zviri pana Mwari.+Dombo rangu rakasimba, iyo nzvimbo yangu yokupotera iri kuna Mwari.+
8 Vimbai naye nguva dzose, haiwa imi vanhu.+Dururai mwoyo yenyu pamberi pake.+Mwari ndiye nzvimbo yedu yokupotera.+ Sera.
9 Chokwadi vanakomana vomunhu wepanyika imhepo inofemwa,+Vanakomana vevanhu inhema.+Pavanoiswa pachikero, vose zvavo vanokundwa kurema nemhepo inofemwa.+
10 Musavimba nokubiridzira,+Uyewo musava vanhu vasina zvavanobatsira nokuita ugororo.+Kana zvokurarama nazvo zvikawanda, musaisa mwoyo yenyu pazviri.+
11 Mwari akataura kamwe chete, ini ndakazvinzwawo kaviri,+Kuti simba nderaMwari.+
12 Uyewo mutsa worudo ndowenyu, haiwa Jehovha,+Nokuti munoripa mumwe nomumwe maererano nebasa rake.+