Pisarema 63:1-11
Rwiyo rwaDhavhidhi, paakanga ari murenje raJudha.+
63 Haiwa Mwari, muri Mwari wangu, ndinoramba ndichikutsvakai.+Mweya wangu une nyota nokuda kwenyu.+Nyama yangu yapera simba nokukusuwaiMunyika yakaoma uye ine nyota, musina mvura.+
2 Nokudaro ndakakuonai muri munzvimbo tsvene,+Pandakaona simba renyu nokubwinya kwenyu.+
3 Nokuti mutsa wenyu worudo uri nani kupfuura upenyu,+Miromo yangu ichakurumbidzai.+
4 Nokudaro ndichakurumbidzai muupenyu hwangu hwose;+Ndichasimudza zvanza zvangu muzita renyu.+
5 Mweya wangu unoguta nechikamu chakanaka kwazvo, kunyange chakakora,+Miromo yangu inorumbidza nokushevedzera kwokufara.+
6 Pandinokuyeukai ndiri pamubhedha wangu,+Ndinofungisisa nezvenyu munguva yokurinda kwousiku.+
7 Nokuti makandibatsira,+Ndinoshevedzera nomufaro ndiri mumumvuri wemapapiro enyu.+
8 Mweya wangu wakanyatsokuteverai;+Ruoko rwenyu rworudyi runoramba rwakandibatisisa.+
9 Asi vaya vanoramba vachitsvaka kuparadza mweya wangu,+Vachapinda mumativi akadzikira kwazvo enyika.+
10 Vachaiswa kusimba rebakatwa;+Vachava mugovewo zvawo wemakava.+
11 Mambo achafara muna Mwari.+Munhu wose anopika naye achazvirumbidza,+Nokuti miromo yevaya vanoreva nhema ichavharwa.+