Pisarema 64:1-10
Kumutungamiriri. Rwiyo rwaDhavhidhi.
64 Haiwa Mwari, inzwai inzwi rangu pakunetseka kwangu.+Chengetedzai upenyu hwangu pakutyisa kwomuvengi.+
2 Ndivanzei pane zvakavanzika zvinotaurwa nevanhu vanoita zvakaipa,+Pamheremhere yevanhu vanoita zvinhu zvinokuvadza,+
3 Vakarodza rurimi rwavo kuti ruve sebakatwa,+Vakakunga miseve yavo, iko kutaura kunoshungurudza,+
4 Kuti vapfure mumwe munhu asina chaanopomerwa vari munzvimbo dzakavanda.+Vanongoerekana vamupfura uye havatyi.+
5 Vanoomerera pakutaura zvakaipa;+Vanotaura pamusoro pokuvanza zviteyeso.+Vanoti: “Ndiani anozviona?”+
6 Vanoramba vachitsvaka zvinhu zvisina kururama;+Vanoviga zano rokuchenjera rakanyatsorongwa,+Uye nhengo yomukati yomumwe nomumwe, kunyange mwoyo wake, zviri mukatikati.+
7 Asi Mwari achangoerekana avapfura nomuseve.+Vanoguma vava nezvironda,+
8 Vanoita kuti mumwe agumburwe.+Asi rurimi rwavo runovarwisa pachavo.+Vose vanovatarira vachadzungudza misoro yavo,+
9 Vanhu vose vepanyika vachatya;+Uye vachataura nezvebasa raMwari,+Vachanzwisisa basa rake.+
10 Munhu akarurama achafara muna Jehovha uye achapotera kwaari;+Vose vakarurama mumwoyo vachazvirumbidza.+