Pisarema 65:1-13
Kumutungamiriri. Rwiyo rwaDhavhidhi. Rumbo.
65 Haiwa Mwari, muZiyoni+ mune kurumbidza—runyararo—, nokuda kwenyu;Uye mucharipirwa mhiko.+
2 Haiwa imi Munzwi womunyengetero, vanhu vemarudzi ose vachauya kwamuri.+
3 Zvinhu zvine chokuita nokukanganisa zvava nesimba kundipfuura.+Imi muchafukidza kudarika kwedu.+
4 Anofara munhu wamunosarudza uye wamunoswededza pedyo,+Kuti agare muzvivanze zvenyu.+Tichagutswa nokunaka kweimba yenyu,+Iyo nzvimbo tsvene yetemberi yenyu.+
5 Muchatipindura mukururama nezvinhu zvinotyisa,+Haiwa Mwari woruponeso rwedu,+Anovimbwa naye navose vari kumiganhu yenyika nevaya vari kure kugungwa.+
6 Iye ari kusimbisa kwazvo makomo nesimba rake;+Chokwadi akazvisunga nesimba.+
7 Iye ari kunyaradza ruzha rwemakungwa,+Irwo ruzha rwemafungu awo nenyonganyonga yemapoka emarudzi.+
8 Vanogara kumigumo yenyika vachatya zviratidzo zvenyu;+Munoita kuti kubuda kwezuva nokuvira kwaro zvishevedzere nomufaro.+
9 Makafunga nezvenyika, kuti muipe zvinhu zvizhinji;+Munoipfumisa kwazvo.Rukova runobva kuna Mwari ruzere nemvura.+Munogadzirira zviyo zvavo,+Nokuti ndiwo magadziriro amunoita nyika.+
10 Munonyorovesa miforo yayo, munoenzanisa mavhinga ayo;+Munoinyorovesa nemvura zhinji; munokomborera zvinomera zvayo.+
11 Makaisa korona pagore nokunaka kwenyu,+Makwara enyu anodonha mafuta.+
12 Mafuro erenje anoramba achidonha mafuta,+Zvikomo zvinozvisunga nomufaro.+
13 Mafuro akafukidzwa nemapoka ezvipfuwo,+Mapani akafukidzwa nezviyo.+Izvo zvinoshevedzera mukukunda, chokwadi, zvinoimba.+