Pisarema 66:1-20
Kumutungamiriri. Rumbo, rwiyo.
66 Shevedzerai kuna Mwari mukukunda, imi mose vanhu vepanyika.+
2 Imbirai kukudzwa kwezita rake.+Itai kuti kurumbidzwa kwake kuve nomukurumbira.+
3 Itii kuna Mwari: “Mabasa enyu anotyisa sei!+Nokuda kwoukuru hwesimba renyu, vavengi venyu vachauya kwamuri vachidedera.+
4 Vanhu vose vepanyika vachakukotamirai,+Vachakuimbirai, vachaimbira zita renyu.”+ Sera.
5 Uyai muone mabasa aMwari.+Zvaanoitira vanakomana vevanhu zvinotyisa.+
6 Akachinja gungwa kuva nyika yakaoma;+Vakayambuka rwizi netsoka.+Takatanga kumufarira tiri ipapo.+
7 Anotonga nesimba rake nokusingagumi.+Maziso ake anoramba akatarira marudzi.+Vaya vakasindimara ngavarege kuzvikwidziridza.+ Sera.
8 Rumbidzai Mwari wedu, haiwa imi marudzi,+Itai kuti inzwi rokumurumbidza rinzwike.+
9 Iye ari kuisa mweya yedu pakati pevapenyu,+Haana kubvumira kuti tsoka dzedu dzitsvedzemuke.+
10 Nokuti makationgorora, haiwa Mwari;+Makatinatsa sokunatswa kunoitwa sirivha.+
11 Makatipinza mumambure okuvhimisa;+Makaisa zvinorema muhudyu medu.
12 Makaita kuti munhuwo zvake atasve achipfuura nepamusoro pemisoro yedu;+Takapinda nomumoto nomumvura,+Asi makatisvitsa kunzvimbo yokuzororera.+
13 Ndichapinda mumba menyu nezvinopiwa zvinopiswa zvakakwana;+Ndicharipa mhiko dzangu kwamuri,+
14 Dziya dzakashamirwa nemiromo yangu kuti itaure+Uye dzakataurwa nomuromo wangu pandakanga ndichitambudzika kwazvo.+
15 Ndichakupai zvinopiwa zvinopiswa zvakakwana zvemhuru dzakakora,+Nokukwidza utsi hwechibayiro chemakondohwe.Ndichapisira nzombe pamwe chete nenhongo.+ Sera.
16 Uyai, teererai, imi mose munotya Mwari, uye ndicharondedzera+Zvaakaitira mweya wangu.+
17 Ndakachema kwaari nomuromo wangu,+Ndakamurumbidza norurimi rwangu.+
18 Kana ndakafunga kuita chinhu chinokuvadza mumwoyo mangu,Jehovha haazondinzwi.+
19 Chokwadi Mwari akanzwa;+Akateerera inzwi romunyengetero wangu.+
20 Mwari ngaarumbidzwe, asina kuramba munyengetero wangu,Kana kubvisa mutsa wake worudo kwandiri.+