Pisarema 67:1-7
Kumutungamiriri wezviridzwa zvine tambo. Rwiyo, rumbo.
67 Mwari achatinzwira nyasha, otikomborera;+Achaita kuti chiso chake chipenye patiri+—Sera—
2 Kuti nzira yenyu izivikanwe munyika,+Noruponeso rwenyu kumarudzi ose.+
3 Marudzi ngaakurumbidzei, haiwa Mwari;+Marudzi ose zvawo, ngaakurumbidzei.+
4 Mapoka emarudzi ngaafare ashevedzere nomufaro,+Nokuti muchatonga marudzi nokururama;+Kana ari mapoka emarudzi, muchaatungamirira ari panyika. Sera.
5 Marudzi ngaakurumbidzei, haiwa Mwari;+Marudzi ose zvawo, ngaakurumbidzei.+
6 Nyika ichabereka zvibereko zvayo;+Mwari, iye Mwari wedu, achatikomborera.+
7 Mwari achatikomborera,+Migumo yose yenyika ichamutya.+