Pisarema 68:1-35
Kumutungamiriri. Rwiyo rwaDhavhidhi. Rumbo.
68 Mwari ngaasimuke,+ vavengi vake ngavapararire,+Vaya vanomuvenga kwazvo ngavamutize.+
2 Vadzingei sokudzingwa kunoitwa utsi;+Sokunyungudutswa kunoitwa namo nomoto,+Vakaipa ngavaparare pamberi paMwari.+
3 Asi vakarurama ngavafare,+Ngavafare pamberi paMwari,+Ngavapembere vachifara.+
4 Imbirai Mwari, imbirai zita rake+ rwiyo;Imbirai rwiyo Iye anotasva nomumapani erenje+SaJah, iro zita rake;+ uye farai pamberi pake;
5 Baba venherera nomutongi wechirikadzi+Ndiye Mwari ari munzvimbo yake tsvene yaanogara.+
6 Mwari ari kuita kuti vaya vari voga vagare muimba;+Ari kubudisa vasungwa kuti vabudirire zvizere.+Asi vaya vakasindimara, vachagara munyika yakatsva.+
7 Haiwa Mwari, pamakatungamirira vanhu venyu,+Pamakafamba nomurenje+—Sera—
8 Nyika yakazununguka,+Denga rakadonhawo mvura nokuda kwaMwari;+Sinai iri rakazununguswa naMwari,+ iye Mwari waIsraeri.+
9 Haiwa Mwari, makaita kuti mvura zhinji itange kunaya;+Nhaka yenyu, kunyange payakanga yapera simba—makaisimbisazve.+
10 Mumusasa wenyu wematende+—ivo vakagara mauri;+Nokunaka kwenyu makaugadzirira vanotambudzika, haiwa Mwari.+
11 Jehovha pachake anoti;+Vakadzi vanozivisa mashoko akanaka iuto guru.+
12 Kunyange madzimambo emauto anotiza, iwo anotiza.+Asi uya anogara kumba, anowanawo mugove wezvakapambwa.+
13 Kunyange zvazvo makaramba makarara pakati pematurunhuru omusasa,Pachava nemapapiro enjiva akafukidzwa nesirivhaMinhenga yayo yakafukidzwa nendarama yegirini yakada kuita yero.+
14 Wemasimbaose paakaparadzira madzimambo aiva mairi achiaendesa kure,+Chando chakatanga kunaya muZarimoni.+
15 Nzvimbo ine makomo yeBhashani+ igomo raMwari;+Nzvimbo ine makomo yeBhashani igomo rine misoro mizhinji.+
16 Imi makomo ane misoro mizhinji, munorambirei makatarira muchiitira shanjeGomo iro Mwari akada kuti agare mariri?+Chokwadi Jehovha achagara mariri nokusingaperi.+
17 Ngoro dzehondo dzaMwari dzinosvika makumi ezviuru, zviuru nezviuru.+Jehovha akabva kuSinai achienda munzvimbo tsvene.+
18 Makakwira kumusoro;+Makaenda nenhapwa;+Makatora zvipo zviri varume,+Chokwadi, kunyange vakasindimara,+ kuti vagare pakati pavo,+ haiwa Jah Mwari.
19 Jehovha ngaarumbidzwe, anotitakurira mutoro+ zuva nezuva,Iye Mwari wechokwadi woruponeso rwedu.+ Sera.
20 Kwatiri Mwari wechokwadi ndiMwari wemabasa okuponesa;+Jehovha, Changamire+ Ishe ndiye ane nzira dzokubuda nadzo murufu.+
21 Chokwadi Mwari achagura-gura misoro yevavengi vake,+Nhongonya ine bvudzi yomusoro, yomunhu anofamba-famba aine mhosva.+
22 Jehovha akati: “Ndichavadzosa kubva kuBhashani,+Ndichavadzosa kubva munzvimbo dzakadzika dzegungwa,+
23 Kuti mugeze tsoka yenyu muropa,+Kuti rurimi rwembwa dzenyu ruve nomugove warwo pavavengi.”+
24 Vakaona midungwe yevanhu venyu, haiwa Mwari,+Midungwe yevanhu vaMwari wangu, iye Mambo wangu, ichipinda munzvimbo tsvene.+
25 Vaimbi vakaenda pamberi, varidzi vezviridzwa zvine tambo vari shure kwavo;+Vasikana vaiva pakati pavo vachiridza makandira.+
26 Rumbidzai Mwari pakati pemapoka evanhu vakaungana,+Jehovha, haiwa imi Tsime raIsraeri.+
27 Bhenjamini muduku ari kuvakunda,+Machinda aJudha neboka rawo revanhu vanoshevedzera,Nemachinda aZebhuruni, nemachinda aNaftari.+
28 Mwari wako akarayira simba rako.+Ratidzai simba, haiwa Mwari, imi mune zvamakatiitira.+
29 Nokuda kwetemberi yenyu iri kuJerusarema,+Madzimambo achakuunzirai zvipo.+
30 Tukai chikara chomutsanga,+ nzombe dzakaungana,+Pamwe chete nemhuru dzemarudzi, imwe neimwe ichitsika-tsika sirivha.+Iye akaparadzira marudzi anofarira kurwa.+
31 Zvinhu zvakagadzirwa nemhangura yakasanganiswa nedzimwe simbi zvichabva kuIjipiti;+Kushi ichakurumidza kutambanudza maoko ayo kuna Mwari iine zvipo.+
32 Haiwa imi umambo hwenyika, imbirai Mwari,+Imbirai Jehovha rwiyo—Sera—
33 Imbirai Iye akatasva denga rematenga ekare.+Tarirai! Iye anotaura nenzwi rake, inzwi rine simba.+
34 Itii Mwari ane simba.+Ukuru hwake huri pamusoro paIsraeri uye simba rake riri mumakore.+
35 Mwari anotyisa ari munzvimbo yake tsvene huru.+Iye ndiMwari waIsraeri, anopa simba, anotoita kuti vanhu vagwinye.+Mwari ngaarumbidzwe.+