Pisarema 69:1-36
Kumutungamiriri weMaruva.+ Rwiyo rwaDhavhidhi.
69 Ndiponesei, haiwa Mwari, nokuti mvura yasvika kumweya wangu chaiko.+
2 Ndanyura mumatope akadzika, musina nzvimbo yokumira.+Ndapinda mumvura yakadzika,Rukova runoyerera rwandikukura.+
3 Ndaneta nokushevedzera kwangu;+Pahuro pangu pashoshoma.Maziso angu aneta ndakamirira Mwari wangu.+
4 Vaya vanondivenga pasina chikonzero vava vazhinji kupfuura bvudzi romusoro wangu.+Vaya vari kuita kuti ndinyarare, vachiva vavengi vangu pasina chikonzero, vava vazhinji.+Ndakabva ndadzorera zvandakanga ndisina kutora nougororo.
5 Haiwa Mwari, imi munoziva upenzi hwangu,Hamuna kuvanzirwa kukanganisa kwangu.+
6 Haiwa, vaya vanotarira kwamuri ngavarege kunyadziswa nokuda kwangu,+Haiwa Changamire Ishe, Jehovha wemauto.+Haiwa, vaya vanokutsvakai ngavarege kunyadziswa nokuda kwangu,+Haiwa Mwari waIsraeri.+
7 Nokuti ndakazvidzwa nokuda kwenyu,+Kunyara kwakafukidza chiso changu.+
8 Ndakaparadzaniswa nehama dzangu,+Ndakava munhu wokune imwe nyika kuvanakomana vaamai vangu.+
9 Nokuti kushingairira imba yenyu kwandipedza,+Kuzvidza kwevaya vanokuzvidzai kwakawira pandiri.+
10 Ndakachema nokutsanya kwomweya wangu,+Asi zvakava kuzvidzwa kwandiri.+
11 Pandakaita kuti masaga ave zvipfeko zvangu,Ndakabva ndava chirevo kwavari.+
12 Vaya vanogara pagedhi vakatanga kutaura nezvangu,+Vanonwa doro rinodhaka vakaimba nezvangu munziyo dzavo.+
13 Asi ini, haiwa Jehovha, ndakanyengetera kwamuri,+Panguva yakakodzera, haiwa Mwari.+Nokuwanda kwomutsa wenyu worudo, ndipindurei nechokwadi choruponeso rwenyu.+
14 Ndinunurei mumatope, kuti ndirege kunyura.+Haiwa, dai ndikanunurwa pane vaya vanondivenga+ nepamvura yakadzika.+
15 Haiwa, rukova rune mvura inoyerera ngarurege kundikukura,+Nzvimbo yakadzika ngairegewo kundimedza,Tsime ngariregewo kundivhariramo.+
16 Ndipindurei, haiwa Jehovha, nokuti mutsa wenyu worudo wakanaka.+Tendeukirai kwandiri maererano nokuwanda kwengoni dzenyu,+
17 Regai kuvanzira mushumiri wenyu chiso chenyu.+Nokuti ndiri kutambudzika kwazvo, kurumidzai kundipindura.+
18 Uyai pedyo nomweya wangu, ununurei;+Ndidzikinurei nokuda kwevavengi vangu.+
19 Imi munoziva kuzvidzwa kwangu nenyadzi dzangu nokunyadziswa kwangu.+Vose vanondivenga vari pamberi penyu.+
20 Kuzvidza kwakaputsa mwoyo wangu, ronda racho harirapiki.+Ndakaramba ndichitarisira kuti mumwe munhu anzwe tsitsi, asi pakanga pasina;+Ndichitarisira vanyaradzi, asi handina wandakawana.+
21 Asi vakandipa muti une muchetura kuti zvive zvokudya zvangu,+Uye pandainzwa nyota vakaedza kundinwisa vhiniga.+
22 Tafura yavo yezvokudya iri pamberi pavo ngaive chiteyeso,+Zvinhu zvokugarika kwavo ngazvive musungo.+
23 Maziso avo ngaave nerima kuti arege kuona;+Itai kuti muhudyu mavo mugare muchigweda-gweda.+
24 Dururirai kutsamwa kwenyu pavari,+Hasha dzenyu huru ngadzivabate.+
25 Musasa wavo une rusvingo ngauve dongo;+Ngaparege kuva nomunhu anogara mumatende avo.+
26 Nokuti vakatevera uya wamakarova,+Uye vanoramba vachirondedzera kurwadziwa kwevaya vamakabaya.
27 Isai kukanganisa pamusoro pokukanganisa kwavo,+Ngavarege kupinda mukururama kwenyu.+
28 Ngavadzimwe mubhuku revapenyu,+Ngavarege kunyorwa imomo pamwe chete nevakarurama.+
29 Asi ini ndinotambudzika uye ndinorwadziwa.+Haiwa Mwari, ruponeso rwenyu ngarundidzivirire.+
30 Ndicharumbidza zita raMwari norwiyo,+Ndichamukudza nokuonga.+
31 Izvi zvichafadzawo Jehovha kupfuura nzombe,+Kupfuura nzombe duku ine nyanga, ine mahwanda akaparadzana.+
32 Vanyoro vachazviona; ivo vachafara.+Imi muri kutsvaka Mwari, mwoyo yenyu ngairambewo iri mipenyu.+
33 Nokuti Jehovha anoteerera varombo,+Chokwadi haazozvidzi vasungwa vake.+
34 Denga nenyika ngazvimurumbidze,+Makungwa nezvinhu zvose zvinofamba-famba mazviri.+
35 Nokuti Mwari achaponesa Ziyoni+Uye achavaka maguta aJudha;+Ivo vachagara imomo voita kuti ive yavo.+
36 Vana vevashumiri vake vachaigara nhaka,+Vaya vanoda zita rake ndivo vachagara mairi.+