Pisarema 7:1-17

Rwiyo rwaDhavhidhi rwokushungurudzika, rwaakaimbira Jehovha nezvemashoko aKushi muBhenjamini. 7  Haiwa Jehovha Mwari wangu,+ ndakapotera kwamuri.+Ndiponesei pane vose vanonditambudza, mundinunure,+   Kuti parege kuva nomunhu anobvambura-bvambura mweya wangu sezvinoita shumba,+Achindibvuta pasina mununuri.+   Haiwa Jehovha Mwari wangu, kana ndakaita izvi,+Kana mumaoko angu muine kusaruramisira chero kupi zvako,+   Kana ndakaripa munhu aindipa mubayiro nokumuitira zvakaipa,+Kana kuti kana ndakapamba munhu wose aindivenga ndisingabudiriri,+   Muvengi ngaatevere mweya wangu,+Ngaabate upenyu hwangu ahutsike-tsike panyika,Aite kuti kukudzwa kwangu kugare muguruva. Sera.   Haiwa Jehovha, simukai makatsamwa;+Simukai pandinotsamwirwa kwazvo nevaya vanondivenga,+Mumuke nokuda kwangu,+ zvamakarayira nokuda kwokutonga.+   Ungano yemapoka emarudzi ngaikukombei,Imi mudzokere kumusoro murwe nayo.   Jehovha achatonga marudzi.+Haiwa Jehovha, nditongei zvinoenderana nokururama kwangu+Uye zvinoenderana nokutendeseka+ kwangu kuri mandiri.   Ndapota, zvakaipa zvevakaipa ngazvigume,+Simbisai munhu akarurama;+Mwari zvaakarurama+ anoedza mwoyo+ neitsvo.+ 10  Nhoo yangu iri pana Mwari,+ Muponesi wevaya vane mwoyo yakarurama.+ 11  Mwari Mutongi akarurama,+Mwari anotsiura kwazvo mazuva ose. 12  Kana ani naani asingazodzoki,+ iye acharodza bakatwa Rake,+Achakunga uta hwake, uye achahugadzirira kupfura.+ 13  Achazvigadzirira zvombo zvokuurayisa;+Achaita miseve yake iya inopfuta.+ 14  Tarirai! Pane ane pamuviri pezvinhu zvinokuvadza,+Akabata pamuviri pokunetseka uye achabereka nhema.+ 15  Akachera gomba, akaridzikisa;+Asi achawira mugomba raakachera.+ 16  Zvinotambudza zvake zvichadzoka pamusoro pake,+Chisimba chichaburukira panhongonya yomusoro wake.+ 17  Ndicharumbidza Jehovha maererano nokururama kwake,+Ndichaimbira+ zita raJehovha Wokumusorosoro.+

Mashoko Emuzasi