Pisarema 72:1-20
Pamusoro paSoromoni.
72 Haiwa Mwari, ipai mambo zvamakatonga,+Uye ipai mwanakomana wamambo kururama kwenyu.+
2 Ngaarwire mhosva yevanhu venyu nokururama+Neyevanotambudzika venyu nezvamakatonga.+
3 Makomo nezvikomo ngazviendesere vanhu rugare,+Runowanikwa nokururama.
4 Ngaatongere vanhu vanotambudzika,+Ngaaponese vanakomana vomurombo,Ngaapwanye anobiridzira.
5 Vachakutyai chero bedzi kuine zuva,+Uye kuine mwedzi kwezvizvarwa nezvizvarwa.+
6 Achaburuka semvura inonaya pauswa hwakachekwa,+Semvura zhinji inonyorovesa nyika.+
7 Mumazuva ake, munhu akarurama achamera,+Uye rugare rukuru ruchavapo kusvikira mwedzi usisipo.+
8 Achatonga vanhu kubvira kugungwa kusvikira kugungwa+Uye kubvira kuRwizi+ kusvikira kumigumo yenyika.+
9 Vagari vomunzvimbo dzisina mvura vachamukotamira,+Vavengi vake vachananzva guruva.+
10 Madzimambo eTashishi neezvitsuwa+—Acharipa muripo.+Madzimambo eShebha neeSebha—Achauya nechipo.+
11 Madzimambo ose achamugwadamira;+Marudzi ose achamushumira.+
12 Nokuti iye achanunura murombo anochemera kubatsirwa,+Pamwe chete nomunhu anotambudzika nomunhu wose asina mubatsiri.+
13 Achanzwira tsitsi munhu akaderera nomurombo,+Uye achaponesa mweya yevarombo.+
14 Achadzikinura mweya yavo pakudzvinyirirwa nepakuitirwa zvechisimba,Ropa ravo richava rinokosha mumaziso ake.+
15 Iye ngaararame,+ uye ngaapiwe imwe ndarama yokuShebha.+Ngaanyengetererwe nguva dzose;Ngaarumbidzwe zuva rose.+
16 Panyika pachava nezviyo zvizhinji kwazvo;+Zvichafashukira pamusoro pemakomo.+Michero yake ichaita sezvakaita iri muRebhanoni,+Vaya vanobva muguta vachatumbuka sezvinoita zvinomera panyika.+
17 Zita rake ngarivepo nokusingagumi;+Zita rake ngariwedzere zuva parinenge riripo,Ivo ngavazvikomborere nomaari;+Marudzi ose ngaamuti anofara.+
18 Jehovha Mwari, Mwari waIsraeri, ngaarumbidzwe,+Iye oga ari kuita mabasa anoshamisa.+
19 Zita rake rinokudzwa ngarirumbidzwe nokusingagumi,+Kubwinya kwake ngakuzadze nyika yose.+Ameni uye Ameni.
20 Minyengetero yaDhavhidhi, mwanakomana waJese,+ yaguma.