Pisarema 76:1-12

Kumutungamiriri wezviridzwa zvine tambo. Rwiyo rwaAsafi.+ Rumbo. 76  Mwari anozivikanwa pakati paJudha;+Zita rake iguru pakati paIsraeri.+   Nzvimbo yake yokuvanda iri muSarema,+Nzvimbo yake yokugara iri muZiyoni.+   Ikoko akatyora miseve youta inobvira moto,+Nhoo nebakatwa nezvombo zvokurwa nazvo.+ Sera.   Makafukidzwa nechiedza, mune ukuru hunopfuura makomo emhuka dzokubata.+   Vakasimba pamwoyo vakapambwa,+Vakatsimwaira kusvikira vabatwa nehope,+Hapana kana mumwe wevarume vakashinga vose akagona kusimudza ruoko achirwisa.+   Mutyairi wengoro nebhiza racho zvakabatwa nehope huru zvatukwa nemi, haiwa Mwari waJakobho.+   Imi—munotyisa kwazvo,+Ndiani angamira pamberi penyu nokuda kwesimba rokutsamwa kwenyu?+   Makaita kuti kutonga kunzwike kubva kudenga;+Nyika yakatya, ikaramba yakanyarara+   Mwari paakasimuka kuti atonge,+Kuti aponese vanyoro vose vepanyika.+ Sera. 10  Nokuti hasha dzomunhu dzichakurumbidzai;+Muchazvisunga nehasha dzakasara. 11  Pikai muripe kuna Jehovha Mwari wenyu, imi mose makamupoteredza.+Ngavauye nechipo vachitya.+ 12  Iye achaninipisa vatungamiriri;+Anotyisa madzimambo enyika.+

Mashoko Emuzasi