Pisarema 79:1-13
Rwiyo rwaAsafi.
79 Haiwa Mwari, marudzi akapinda munhaka yenyu;+Akasvibisa temberi yenyu tsvene;+Akaita kuti Jerusarema rive murwi wezvakaparadzwa.+
2 Akapa shiri dzokudenga zvitunha zvevashumiri venyu kuti zvive zvokudya zvadzo,+Akapa mhuka dzesango nyama yevatsvene venyu.+
3 Akadurura ropa ravo semvuraKumativi ose eJerusarema, uye hapana angavaviga.+
4 Tava chinhu chinozvidzwa nevavakidzani vedu,+Chinhu chinonyombwa nechinhu chinosekwa nevaya vakatipota.+
5 Haiwa Jehovha, mucharamba makashatirwa kusvikira rini? Nokusingaperi here?+Hasha dzenyu dzicharamba dzichibvira somoto kusvikira rini?+
6 Dururirai hasha dzenyu pamarudzi asina kukuzivai,+Uye paumambo husina kudana zita renyu.+
7 Nokuti vakadya Jakobho,+Uye vakaita kuti nzvimbo yake yaanogara ive dongo.+
8 Musayeuka kukanganisa kwemadzitateguru edu kuti mutirove.+Kurumidzai! Ngoni dzenyu ngadzitigamuchire,+Nokuti tava varombo kwazvo.+
9 Tibatsirei, haiwa Mwari woruponeso rwedu,+Nokuda kwokukudzwa kwezita renyu;+Tinunurei mufukidze zvivi zvedu nokuda kwezita renyu.+
10 Nei marudzi achifanira kuti: “Mwari wavo ari kupi?”+Isu tichizviona, marudzi ngaazive+Nezvokutsiviwa kweropa revashumiri venyu rakateurwa.+
11 Kugomera kwomusungwa ngakuuye pamberi penyu.+Chengetedzai vaya vakatemerwa kufa maererano noukuru hworuoko rwenyu.+
12 Ripai vavakidzani vedu kanomwe pachipfuva chavo+Kuzvidza kwavo kwavakakuzvidzai nako, haiwa Jehovha.+
13 Asi isu vanhu venyu nemakwai emafuro enyu,+Tichakuongai nokusingagumi;Tichazivisa kurumbidzwa kwenyu kwezvizvarwa nezvizvarwa.+