Pisarema 84:1-12
Nokuda kwomutungamiriri weGititi.+ Rwiyo rwevanakomana vaKora.
84 Tebhenekeri yenyu huru yakanaka sei,+Haiwa Jehovha wemauto!+
2 Mweya wangu wasuwa zvivanze zvaJehovha uye waperawo simba nokuda kwazvo.+Mwoyo wangu nenyama yangu zvinoshevedzera nomufaro kuna Mwari mupenyu.+
3 Kunyange shiri yakawana imba,Nenyenganyenga yakazviwanira dendere,Mayakaisa vana vayo—Ipo paatari yenyu huru, haiwa Jehovha wemauto, Mambo wangu naMwari wangu!
4 Vanofara vaya vanogara muimba yenyu!+Vachiri kuramba vachikurumbidzai.+ Sera.
5 Vanofara vanhu vanowana simba ravo kwamuri,+Vane mwoyo inofunga nezvemigwagwa mikuru.+
6 Vachipfuura nomubani remakwenzi emiti inonzi mibheka,+Vanoriita chitubu chemvura;Murayiridzi+ anozviputira nezvikomborero.
7 Vacharamba vachifamba vachiwedzera simba pamusoro perimwe simba;+Mumwe nomumwe anozviratidza kuna Mwari muZiyoni.+
8 Haiwa Jehovha Mwari wemauto, inzwai munyengetero wangu;+Teererai, haiwa Mwari waJakobho.+ Sera.
9 Haiwa imi nhoo yedu, onai, haiwa Mwari,+Tarirai chiso chomuzodziwa wenyu.+
10 Nokuti zuva rimwe chete muzvivanze zvenyu rinopfuura ane chiuru kune imwe nzvimbo.+Ndakasarudza kumira pachikumbaridzo muimba yaMwari wangu+Panzvimbo pokufamba-famba mumatende ezvakaipa.+
11 Nokuti Jehovha Mwari izuva+ nenhoo;+Anopa nyasha nokukudzwa.+Jehovha haazonyimi vaya vanofamba vasina mhosva chero chinhu chipi zvacho chakanaka.+
12 Haiwa Jehovha wemauto, anofara munhu anovimba nemi.+