Pisarema 86:1-17
Munyengetero waDhavhidhi.
86 Haiwa Jehovha, rerekai nzeve yenyu. Ndipindurei,+Nokuti ndinotambudzika uye ndiri murombo.+
2 Haiwa, rindai mweya wangu, nokuti ndakavimbika.+Imi muri Mwari wangu—ponesai mushumiri wenyu—anovimba nemi.+
3 Haiwa Jehovha, ndinzwirei nyasha,+Nokuti ndinoramba ndichishevedzera kwamuri zuva rose.+
4 Itai kuti mweya womushumiri wenyu ufare,+Nokuti ndinosimudzira mweya wangu kwamuri, haiwa Jehovha.+
5 Haiwa Jehovha, nokuti imi makanaka+ uye makagadzirira kukanganwira;+Uye mutsa worudo wamunoitira vose vanodana kwamuri mukuru.+
6 Haiwa Jehovha, teererai munyengetero wangu;+Teererai inzwi rokuteterera kwangu.+
7 Ndichadana kwamuri pazuva rokutambudzika kwangu,+Nokuti muchandipindura.+
8 Pakati pavanamwari hapana akaita semi, haiwa Jehovha,+Uyewo hapana mabasa akaita seenyu.+
9 Marudzi ose amakaita achauya,+Achakukotamirai, haiwa Jehovha,+Uye achakudza zita renyu.+
10 Nokuti muri mukuru uye munoita zvinhu zvinoshamisa;+Ndimi Mwari, imi moga.+
11 Haiwa Jehovha, ndirayiridzei pamusoro penzira yenyu.+Ndichafamba muchokwadi chenyu.+Batanidzai mwoyo wangu kuti utye zita renyu.+
12 Ndinokurumbidzai, haiwa Jehovha Mwari wangu, nomwoyo wangu wose,+Ndichakudza zita renyu nokusingagumi,
13 Nokuti mutsa wenyu worudo wamunondiitira mukuru,+Uye makanunura mweya wangu muSheori, iyo nzvimbo yawo yakadzikira kwazvo.+
14 Haiwa Mwari, vanozvikudza vakasimuka kuti vandirwise;+Ungano yevadzvinyiriri yakatsvaka mweya wangu,+Uye havana kukuisai pamberi pavo.+
15 Asi imi, haiwa Jehovha, muri Mwari ane ngoni neane nyasha,+Anononoka kutsamwa+ uye azere nomutsa worudo nechokwadi.+
16 Tendeukirai kwandiri mundinzwire nyasha.+Ipai mushandi wenyu simba renyu,+Uye ponesai mwanakomana womurandasikana wenyu.+
17 Ndiitirei chiratidzo chinoreva kunaka,Kuti vaya vanondivenga vachione, vanyare.+Nokuti imi, haiwa Jehovha, makandibatsira uye makandinyaradza.+