Pisarema 87:1-7
Rwiyo rwevanakomana vaKora. Rumbo.
87 Nheyo yake iri mumakomo matsvene.+
2 Jehovha anoda magedhi eZiyoni+Kupfuura tebhenekeri dzose dzaJakobho.+
3 Zvinhu zvinokudzwa zviri kutaurwa pamusoro pako, haiwa iwe guta raMwari wechokwadi.+ Sera.
4 Ndichati Rakabhi+ neBhabhironi+ ndedzimwe dzinondiziva;Tarirai Firistiya+ neTire, pamwe chete neKushi:“Uyu ndiye akaberekerwa ikoko.”+
5 Zvichanzi nezveZiyoni:“Mumwe nomumwe akaberekerwa mariri.”+Wokumusorosoro+ acharisimbisa kwazvo.+
6 Paanenge achinyora marudzi, Jehovha achazivisa kuti:+“Uyu ndiye akaberekerwa ikoko.”+ Sera.
7 Pachavawo nevaimbi pamwe chete nevatambi vanotamba mitambo inotambwa vachitenderera,+ vachiti:“Zvitubu zvangu zvose zviri mauri.”+