Pisarema 90:1-17
Munyengetero waMosesi, munhu waMwari wechokwadi.+
90 Haiwa Jehovha, imi makava nzvimbo yedu yokugara chaiyo+Kwezvizvarwa nezvizvarwa.+
2 Makomo asati aberekwa,+Kana kuti musati mabereka pasi nenyika+ inobereka zvibereko+ sokunge nemarwadzo okusununguka,Muri Mwari kubvira narini kusvikira narini.+
3 Munoita kuti munhuwo zvake adzokere kuguruva,+Uye munoti: “Dzokerai, imi vanakomana vevanhu.”+
4 Nokuti kwamuri makore ane chiuru akaita sezuva razuro parinenge rapfuura,+Uye senguva yokurinda yousiku.+
5 Makavakukura;+ ivo vanova sehopewo zvadzo;+Mangwanani vakaita souswa hwakasvibirira hunochinja.+
6 Mangwanani hunotumbuka uye hunochinja;+Manheru hunosvava hwooma.+
7 Nokuti tapera nokutsamwa kwenyu,+Tanetseka nehasha dzenyu.+
8 Makaisa kukanganisa kwedu pamberi penyu chaipo,+Zvinhu zvedu zvakavanzika makazviisa pamberi pechiso chenyu chinopenya.+
9 Nokuti mazuva edu ose apera nokuda kwokushatirwa kwenyu;+Makore edu apera sezevezeve.+
10 Mazuva emakore edu makore makumi manomwe;+Asi kana tiine simba kwazvo, makore makumi masere,+Asi anoramba achiunza kunetseka nezvinhu zvinokuvadza;+Nokuti achakurumidza kupfuura, tobhururuka, toenda.+
11 Ndiani anoziva simba rehasha dzenyu+Nokushatirwa kwenyu kukuru maererano nokutyiwa kwamunofanira kuitwa?+
12 Tiratidzei nzira yokunyatsoverenga nayo mazuva edu+Kuti tive nomwoyo wakachenjera.+
13 Dzokai, haiwa Jehovha!+ Zvichasvika riniko?+Zvidembei pamusoro pevashumiri venyu.+
14 Tigutsei mangwanani nomutsa wenyu worudo,+Kuti tishevedzere nomufaro uye tifare mazuva edu ose.+
15 Itai kuti tifare zvinoenzanirana nemazuva amakatitambudza,+Iwo makore atakaona dambudziko.+
16 Basa renyu ngarioneke kuvashumiri venyu+Uye kubwinya kwenyu pavanakomana vavo.+
17 Kunaka kwaJehovha Mwari wedu ngakuve patiri,+Uye simbisai basa remaoko edu patiri.+Chokwadi, simbisai basa remaoko edu.+