Pisarema 91:1-16
91 Ani naani anogara munzvimbo yakavanda+ yoWokumusorosoro+Achawana pokugara pasi pomumvuri woWemasimbaose.+
2 Ndichati kuna Jehovha: “Ndimi nzvimbo yangu yokupotera nenhare yangu,+Mwari wangu, wandinovimba naye.”+
3 Nokuti iye achakununura pachiteyeso chomubati weshiri,+Padenda rinokonzera nhamo.+
4 Achakuvharidzira nemapapiro ake,+Uye uchapotera pasi pemapapiro ake.+Chokwadi+ chake chichava nhoo+ huru norusvingo rwokudzivirira.
5 Hauzotyi chero chinhu chipi zvacho chinotyisa usiku,+Kana museve+ unobhururuka masikati,
6 Kana denda rinofamba murima,+Kana kuparadza kunopamba masikati.+
7 Vane chiuru vachawa kurutivi rwakoUye vane zviuru gumi kuruoko rwako rworudyi;Hazvizosviki pedyo newe.+
8 Uchangotarira chete nemaziso ako,+Woona kutsiviwa kwevakaipa.+
9 Nokuti wakati: “Jehovha ndiye nzvimbo yangu yokupotera,”+Wakaita kuti Wokumusorosoro ave nzvimbo yako yokugara;+
10 Hapana dambudziko richakuwira,+Uyewo hapana kana hosha ichaswedera pedyo netende rako.+
11 Nokuti iye acharayira ngirozi dzake pamusoro pako,+Kuti dzikurinde munzira dzako dzose.+
12 Dzichakutakura pamaoko adzo,+Kuti tsoka yako irege kugumburwa nedombo chero ripi zvaro.+
13 Uchatsika mwana weshumba nemhungu;+Uchatsika-tsika mwana weshumba ava nezenze nenyoka huru.+
14 Nokuti akandida kwazvo,+Ndichamupukunyutsawo.+Ndichamudzivirira nokuti ava kuziva zita rangu.+
15 Iye achandishevedza, uye ini ndichamupindura.+Ndichava naye pakutambudzika.+Ndichamununura ndomukudza.+
16 Ndichamugutsa nemazuva mazhinji,+Ndichaita kuti aone kuponesa kwandinoita.+