Pisarema 92:1-15
Rwiyo, rumbo, zvezuva resabata.
92 Zvakanaka kuonga Jehovha+Nokuimbira zita renyu, haiwa imi Wokumusorosoro;+
2 Kuzivisa nezvomutsa wenyu worudo+ mangwananiUye nezvokutendeka kwenyu usiku,+
3 Nechiridzwa chine tambo gumi nechiridzwa chine tambo nhatu,+Nokuita kuti rwiyo rwuungire parudimbwa.+
4 Nokuti makaita kuti ndifare, haiwa Jehovha, nokuda kwebasa renyu;Ndinoshevedzera nomufaro nokuda kwemabasa emaoko enyu.+
5 Mabasa enyu makuru sei, haiwa Jehovha!+Kufunga kwenyu kwakadzama kwazvo.+
6 Hapana munhu asingafungi angazviziva,+Uye hapana benzi ringanzwisisa izvi.+
7 Vakaipa pavanomera sezvinomera+Uye vanhu vose vanoita zvinhu zvinokuvadza pavanotumbuka,Zvinoitirwa kuti vatsakatiswe nokusingaperi.+
8 Asi imi muri kumusoro nokusingagumi, haiwa Jehovha.+
9 Nokuti tarirai! vavengi venyu, haiwa Jehovha,+Nokuti tarirai! vavengi venyu vachaparara;+Vanhu vose vanoita zvinhu zvinokuvadza vachaparadzaniswa.+
10 Asi imi muchakwidziridza nyanga yangu seiya yenzombe yomusango;+Ndichazvinyorovesa nemafuta matsva.+
11 Ziso rangu richatarira vavengi vangu;+Nzeve dzangu dzichanzwa nezvevanhu vanondimukira, ivo vanoita zvakaipa.
12 Munhu akarurama achatumbuka sezvinoita muchindwe;+Achakura sezvinoita musidhari uri muRebhanoni.+
13 Vaya vakadyarwa muimba yaJehovha,+Muzvivanze zvaMwari wedu,+ vachatumbuka.
14 Vacharamba vachibudirira munguva yokuchena musoro,+Vacharamba vaine simba uye vari vatsva,+
15 Kuti vazivise kuti Jehovha akarurama.+Iye ndiye Dombo+ rangu, maari hamuna chisina kururama.+