Pisarema 94:1-23
94 Haiwa Mwari anotsiva, Jehovha,+Haiwa Mwari anotsiva, penyai!+
2 Simukai, haiwa imi Mutongi wenyika.+Tsivai vanozvikudza.+
3 Vakaipa vachasvika rini, haiwa Jehovha,+Vakaipa vachasvika rini vachipembera nomufaro?+
4 Vanoramba vachingotaura, vanoramba vachitaura vasingadziviswi;+Vanhu vose vanoita zvinhu zvinokuvadza vanoramba vachizvikudza.+
5 Vanoramba vachipwanya vanhu venyu, haiwa Jehovha,+Uye vanoramba vachitambudza nhaka yenyu.+
6 Vanouraya chirikadzi nomutorwa,+Uye vanoponda nherera.+
7 Vanoramba vachiti: “Jah haaoni;+Uye Mwari waJakobho haazvinzwisisi.”+
8 Nzwisisai, imi vanhu vasingafungi pakati pevamwe vanhu;+Uye imi mapenzi, muchava nenjere riniko?+
9 Iye akaisa nzeve, haanganzwi here?+Kana kuti Iye akaita ziso, haangatariri here?+
10 Iye anoruramisa marudzi, haangatsiuri here,+NaIye anodzidzisa vanhu zivo?+
11 Jehovha anoziva pfungwa dzevanhu, kuti dzakaita semhepo inofemwa.+
12 Anofara murume wamunoruramisa,+ haiwa Jah,Uye wamunodzidzisa mutemo wenyu,+
13 Kuti mumupe runyararo mumazuva edambudziko,+Kusvikira munhu akaipa achererwa gomba.+
14 Nokuti Jehovha haazoregi vanhu vake,+Uyewo haazosiyi nhaka yake.+
15 Nokuti zvamakatonga zvichadzokera kune zvakarurama,+Uye vose vane mwoyo yakarurama vachazvitevera.
16 Ndiani achasimuka kuti andirwisire vanoita zvakaipa?+Ndiani achamira kuti andirwisire vanhu vanoita zvinhu zvinokuvadza?+
17 Kudai Jehovha akanga asina kundibatsira,+Munguva duku mweya wangu ungadai wakagara wakanyarara zvawo.+
18 Pandakati: “Chokwadi tsoka yangu ichadzedzereka,”+Mutsa wenyu worudo, haiwa Jehovha, wakaramba uchinditsigira.+
19 Pfungwa dzangu dzinonetsa padzakawanda mukati mangu,+Kunyaradza kwenyu kwakarezva mweya wangu.+
20 Chigaro choumambo chinokonzera nhamo chingashamwaridzana nemi here,+Icho chichironga kuti pave nedambudziko chichishandisa murau?+
21 Vanorwisa kwazvo mweya womunhu akarurama+Uye vanoti ropa reasina mhosva rakaipa.+
22 Asi Jehovha achava nzvimbo yakakwirira yakachengeteka nokuda kwangu,+Uye Mwari wangu achava dombo rokupotera kwariri.+
23 Achavadzorera zvinhu zvavo zvinokuvadza+Uye achaita kuti vanyarare nedambudziko ravo.+Jehovha Mwari wedu achaita kuti vanyarare.+