Pisarema 96:1-13
96 Imbirai Jehovha rwiyo rutsva.+Imbirai Jehovha, imi vanhu vose vepanyika.+
2 Imbirai Jehovha, rumbidzai zita rake.+Zuva nezuva zivisai mashoko akanaka okuponesa kwaanoita.+
3 Zivisai kukudzwa kwake pakati pemarudzi,+Nemabasa ake anoshamisa+ pakati pemarudzi ose.
4 Nokuti Jehovha mukuru+ uye anofanira kurumbidzwa kwazvo.Anotyisa kupfuura vamwe vanamwari vose.+
5 Nokuti vanamwari vose vemamwe marudzi ndivanamwari vasina zvavanobatsira;+Asi Jehovha, ndiye akasika matenga.+
6 Kukudzwa nokubwinya zviri pamberi pake;+Simba norunako zviri munzvimbo yake tsvene.+
7 Ipai Jehovha, haiwa imi mhuri dzemamwe marudzi,+Ipai Jehovha kukudzwa nesimba.+
8 Ipai Jehovha kukudzwa kwezita rake;+Takurai chipo mupinde muzvivanze zvake.+
9 Kotamirai Jehovha makashonga zvishongo zvitsvene;+Rwadziwai kwazvo nokuda kwake, imi vanhu vose vepanyika.+
10 Itii pakati pemarudzi: “Jehovha ava mambo.+Nyika inobereka inosimbiswa kwazvo zvokuti haigoni kuzununguswa.+Iye acharwira mhosva yemarudzi mukururama.”+
11 Matenga ngaafare, nenyika ngaifare.+Gungwa ngaritinhire pamwe chete nezvizere mariri.+
12 Sango ngaripembere nomufaro pamwe chete nezvose zviri mariri.+Uyewo miti yose yomusango ngaifare kwazvo+
13 Pamberi paJehovha. Nokuti auya;+Nokuti auya kuzotonga nyika.+Achatonga nyika inobereka nokururama+Uye achatonga marudzi nokutendeka kwake.+