Pisarema 97:1-12

97  Jehovha ava mambo!+ Nyika ngaifare.+Zvitsuwa zvizhinji ngazvifare.+   Makore nezarima zvakamupoteredza;+Kururama nokururamisira ndizvo nzvimbo isingachinji yechigaro chake choumambo.+   Moto unoenda uri pamberi pake,+Uye unoparadza mhandu dzake dziri kumativi ose.+   Mheni dzake dzakavhenekera nyika inobereka;+Nyika yakaona, ikarwadziwa kwazvo.+   Makomo akanyunguduka sezvinoita namo nokuda kwaJehovha,+Nokuda kwaShe wenyika yose.+   Matenga akataura nezvokururama kwake,+Marudzi ose akaona kukudzwa kwake.+   Vose vaya vanoshumira chero mufananidzo upi zvawo wakavezwa ngavanyare,+Vaya vanozvirumbidza navanamwari vasina zvavanobatsira.+Mukotamirei, imi mose vanamwari.+   Ziyoni rakanzwa, rikatanga kufara,+Mataundi ari pasi peJudha akatanga kufara+Nokuda kwezvamakatonga, haiwa Jehovha.+   Nokuti imi, haiwa Jehovha, ndimi Wokumusorosoro kumusoro kwenyika yose;+Makakwira kunzvimbo yenyu yakakwirira kwazvo kupfuura vamwe vanamwari vose.+ 10  Haiwa imi vanoda Jehovha,+ vengai zvakaipa.+Iye anorinda mweya yevakavimbika vake;+Anovanunura mumaoko evakaipa.+ 11  Chiedza chakabudira munhu akarurama,+Uye kufara kwakabudira vane mwoyo yakarurama.+ 12  Farirai Jehovha, haiwa imi makarurama,+Ongai chiyeuchidzo chake chitsvene.+

Mashoko Emuzasi