Pisarema 98:1-9

Rwiyo. 98  Imbirai Jehovha rwiyo rutsva,+Nokuti zvinhu zvaakaita zvinoshamisa.+Ruoko rwake rworudyi, irwo ruoko rwake rutsvene, rwakamuwanira ruponeso.+   Jehovha akaita kuti ruponeso rwake ruzivikanwe;+Akazivisa kururama kwake pamberi pemarudzi.+   Akayeuka mutsa wake worudo nokutendeka kwake zvaakaitira imba yaIsraeri.+Migumo yose yenyika yakaona ruponeso rwakaitwa naMwari wedu.+   Shevedzerai mukukunda kuna Jehovha, imi mose vanhu vepanyika.+Farai mushevedzere muchifara, muimbe.+   Imbirai Jehovha norudimbwa,+Norudimbwa nenzwi rokuimba.+   Nemabhosvo uye nokurira kwehwamanda+Shevedzerai mukukunda muri pamberi paMambo, iye Jehovha.   Gungwa ngaritinhire, nezvose zvizere mariri,+Nyika inobereka nevaya vagere mairi.+   Nzizi ngadziombere;Makomo ose zvawo ngaashevedzere achifara+   Pamberi paJehovha, nokuti auya kuzotonga nyika.+Iye achatonga nyika inobereka nokururama+Uye achatonga marudzi nokururama.+

Mashoko Emuzasi