Pisarema 99:1-9
99 Jehovha ava mambo.+ Marudzi ngaadedere.+Iye agere pamakerubhi.+ Nyika ngaizununguke.+
2 Jehovha mukuru muZiyoni,+Uye ari kumusoro kwemarudzi ose.+
3 Iwo ngaarumbidze zita renyu.+Iguru uye rinotyisa, idzvene.+
4 Iye akada kururamisira nesimba ramambo.+Imi makasimbisa kururama.+Makaruramisira uye makaita zvakarurama pakati paJakobho.+
5 Kudzai Jehovha Mwari wedu,+ mumukotamire muri pachitsiko chetsoka dzake;+Iye mutsvene.+
6 Mosesi naAroni ndivo vaiva vamwe vevapristi vake,+Samueri aiva mumwe wevaya vaidana zita rake.+Vaishevedzera kuna Jehovha, uye iye airamba achivapindura.+
7 Akaramba achitaura navo ari mushongwe yegore.+Vakachengeta zviyeuchidzo zvake nomurau waakavapa.+
8 Haiwa Jehovha Mwari wedu, imi makavapindura.+Makava Mwari aivaregerera,+Aitsiva mabasa avo aiva nomukurumbira wakaipa.+
9 Kudzai Jehovha Mwari wedu+Uye mukotamirei muri pagomo rake dzvene.+Nokuti Jehovha Mwari wedu mutsvene.+