Maraki 1:1-14
1 Chirevo:
Iri ndiro shoko raJehovha+ pamusoro paIsraeri, raakataura achishandisa Maraki:
2 “Ndakakudai,”+ Jehovha adaro.
Asi imi munoti: “Makatida pakuita sei?”+
“Isau akanga asiri mukoma waJakobho here?”+ ndizvo zvinotaura Jehovha. “Asi ndakada Jakobho,+
3 ndikavenga Isau;+ uye ndakazoita kuti makomo ake ave renje+ uye nhaka yake ive nzvimbo inogara hunguhwe dzomurenje.”+
4 “Nokuti Edhomu anoramba achiti, ‘Takaparadzwa, asi tichadzoka tovaka nzvimbo dzakaparadzwa,’ ndizvo zvataura Jehovha wemauto, ‘Ivo vachavaka; asi ini ndichaputsa.+ Vanhu vachavatumidza kuti, “nharaunda yezvakaipa” uye “vanhu vakatsamwirwa+ naJehovha nokusingagumi.”
5 Maziso enyu achazviona, uye muchati: “Jehovha ngaakudzwe munharaunda yaIsraeri.”’”+
6 “‘Mwanakomana anokudza baba;+ uye mushandi anokudza tenzi wake mukuru.+ Naizvozvo kana ndiri baba,+ kukudzwa kwangu kuri kupiko?+ Kana ndiri Tenzi Mukuru, kutyiwa+ kwangu kuri kupiko?’ Jehovha wemauto adaro kwamuri, haiwa imi vapristi vanozvidza zita rangu.+
“‘Asi imi makati: “Takazvidza zita renyu pakuita sei?”’
7 “‘Nokupa chingwa chakasvibiswa paatari yangu.’+
“‘Uye munoti: “Takakusvibisai pakuita sei?”’
“‘Nokutaura kwenyu kuti: “Tafura+ yaJehovha chinhu chinofanira kuzvidzwa.”+
8 Pamunopa mhuka yakapofumara kuti ibayirwe munoti: “Hazvina kuipa.” Pamunopa mhuka yakaremara kana kuti inorwara munoti: “Hazvina kuipa.”’”+
“Ndapota, uyai nayo pedyo nagavhuna wenyu. Angakufarirai here, kana kuti angakugamuchirai nomutsa here?” Jehovha wemauto adaro.
9 “Ndapota, zvino chitsvakai kunzwirwa ngoni+ naMwari, kuti atinzwire nyasha.+ Zvinhu izvi zvakaitwa nemaoko enyu. Angakugamuchirai nomutsa here?” Jehovha wemauto adaro.
10 “Ndiani mumwe aripo pakati penyu achavhara masuo?+ Imi hamuzobatidzi moto paatari yangu—pasina mubayiro.+ Handikufaririi,” Jehovha wemauto adaro, “uye handifariri chipo chinopiwa chinobva mumaoko enyu.”+
11 “Nokuti zita rangu richava guru pakati pemarudzi kubvira kunobuda nezuva kusvikira kwarinovirira,+ uye utsi hwezvibayiro+ huchakwidzwa munzvimbo dzose, zita rangu richaunzirwa chinopiwa, icho chipo chakachena;+ nokuti zita rangu richava guru pakati pemarudzi,”+ Jehovha wemauto adaro.
12 “Asi imi muri kundisvibisa+ nokutaura kwenyu muchiti, ‘Tafura yaJehovha chinhu chakasvibiswa, uye zvibereko zvayo chinhu chinofanira kuzvidzwa, izvo zvokudya zvayo.’+
13 Makati, ‘Tarirai! Zvinonetesa zvakadini!’+ uye makazvishora nokunhuhwidza nemhino,” Jehovha wemauto adaro. “Makauya nechinhu chakabvamburwa-bvamburwa, nechakaremara, nechinorwara;+ chokwadi makauya nacho kuti chive chipo. Ndingafara kuchigamuchira chichibva mumaoko enyu here?”+ Jehovha adaro.
14 “Munhu anonyengera, achipika uye achibayira mhuka yakakuvara kuna Jehovha asi muboka rake rezvipfuwo muine mhuka hono ngaatukwe.+ Nokuti ndiri Mambo mukuru,”+ Jehovha wemauto adaro, “uye zita rangu richava rinotyisa pakati pemarudzi.”+