Mariro 4:1-22
א [ʼAʹleph]
4 Haiwa ndarama inopenya yava isingapenyi sei, iyo ndarama yakanaka!+Haiwa matombo matsvene+ adururwa sei kumusoro kwemigwagwa yose!+
ב [Behth]
2 Vanakomana vanokosha veZiyoni,+ vaya vakayerwa vachifananidzwa nendarama yakanatswa,Haiwa vakaonekwa sezvirongo zvikuru zvevhu sei, iro basa remaoko omuumbi!+
ג [Giʹmel]
3 Kunyange hunguhwe dzakapa vana vadzo mazamu. Dzakayamwisa vana vadzo.Mwanasikana wevanhu vangu ava noutsinye,+ semhou dziri murenje.+
ד [Daʹleth]
4 Rurimi rweanoyamwa rwanamatira mukanwa make nenyota.+Vana vakumbira zvokudya.+ Hapana ari kuvapa.+
ה [Heʼ]
5 Vaya vaidya zvinhu zvinonaka vakatyamadzwa vari mumigwagwa.+Vaya vairererwa mumachira matsvuku+ vafungatira maturunhuru.+
ו [Waw]
6 Chirango chokukanganisa kwomwanasikana wevanhu vangu chavawo chikuru kupfuura chirango chechivi cheSodhoma,+Iro rakaparadzwa munguva duku, uye risina maoko akaribatsira.+
ז [Zaʹyin]
7 VaNaziri varo+ vakanga vakachena kupfuura chando;+ vakanga vakachena kupfuura mukaka.Vakanga vari vatsvuku+ kupfuura matombo ekorari; kubwinya kwavo kwakanga kwakaita sematombo esafaya.+
ח [Chehth]
8 Zviso zvavo zvasviba kupfuura utema. Havana kuzivikanwa mumigwagwa.+Ganda ravo raunyanira pamapfupa avo.+ Raoma somuti.
ט [Tehth]
9 Vaya vakaurayiwa nebakatwa vari nani+ kupfuura vaya vakaurayiwa nenzara,+Nokuti ava vanoondoroka, vobvoorwa nokuda kwokushayikwa kwezvibereko zvomunda.
י [Yohdh]
10 Maoko evakadzi vane tsitsi akabika vana vavo.+Vakava sechingwa chokunyaradza kumunhu munguva yokuparara kwomwanasikana wevanhu vangu.+
כ [Kaph]
11 Jehovha akaratidza hasha dzake dzose.+ Akadurura kutsamwa kwake kukuru.+Anotungidza moto muZiyoni, uyo unoparadza nheyo dzaro.+
ל [Laʹmedh]
12 Madzimambo epanyika nevagari vose vomunyika inobereka vakanga vasina kutenda+Kuti mhandu nomuvengi vaizopinda mumagedhi eJerusarema.+
מ [Mem]
13 Nokuda kwezvivi zvevaprofita varo, kukanganisa kwevapristi varo,+Mukati maro maiva nevaya vaiteura ropa revatsvene.+
נ [Nun]
14 Vakadzungaira semapofu+ vari mumigwagwa.+ Vakasvibiswa neropa,+Zvokuti hapana anokwanisa kubata nguo dzavo.+
ס [Saʹmekh]
15 “Ibvai munzira! Hamuna kuchena!”+ vakashevedzera kudaro kwavari. “Ibvai munzira! Ibvai munzira! Musabata!”+Nokuti vakanga vasisina misha.+ Vakadzungairawo.+ Vanhu vakati pakati pemarudzi: “Havazogarizve vari vatorwa.+
פ [Peʼ]
16 Chiso chaJehovha chakavaparadzanisa.+ Haazovataririzve.+Vanhu havazovi nehanya kunyange nevapristi.+ Havazonzwiri nyasha kunyange vakwegura.”+
ע [ʽAʹyin]
17 Tichiripo, maziso edu anoramba achipera simba pasina, kuti tibatsirwe.+Pataitarira-tarira, takatarira kurudzi rusingagoni kuponesa.+
צ [Tsa·dhehʹ]
18 Vakaronda tsoka dzedu+ zvokuti hatichafambi munzvimbo dzedu dzinoungana vanhu.Kuguma kwedu kwaswedera pedyo. Mazuva edu akwana, nokuti kuguma kwedu kwasvika.+
ק [Qohph]
19 Vaititevera vakamhanya kupfuura makondo.+Vakatidzingirira pamakomo.+ Vakativandira murenje.+
ר [Rehsh]
20 Mhepo yokufema yemhino dzedu,+ iye muzodziwa waJehovha,+ akabatwa mugomba ravo guru,+Iye watakati nezvake: “Tichagara mumumvuri wake+ tiri pakati pemarudzi.”+
ש [Sin]
21 Pembera nomufaro, ufare,+ haiwa iwe mwanasikana weEdhomu,+ sezvaunogara munyika yeUzi.+Kapu yacho ichapfuurawo nokwauri.+ Uchadhakwa wozvipfekenura.+
ת [Taw]
22 Haiwa iwe mwanasikana weZiyoni, kukanganisa kwako kwapera.+ Haazokutapizve.+Afunga nezvokukanganisa kwako, haiwa iwe mwanasikana weEdhomu. Aisa zvivi zvako pachena.+