Mateu 14:1-36
14 Panguva iyoyo chaiyo Herodhi, mutongi woruwa, akanzwa mashoko pamusoro paJesu,+
2 akati kuvashandi vake: “Uyu ndiJohani Mubhabhatidzi. Akamutswa kubva kuvakafa, ndokusaka ari kukwanisa kuita mabasa esimba.”+
3 Nokuti Herodhi akanga abata Johani, akamusunga, akamuisa mujeri nemhosva yaHerodhiyasi, mudzimai waFiripi, munun’una wake.+
4 Nokuti Johani akanga ave achiti kwaari: “Hazvibvumirwi nomutemo kuti imi muve naye.”+
5 Zvisinei, kunyange aida kumuuraya, akatya boka revanhu, nokuti vaimuona somuprofita.+
6 Asi zuva rokuberekwa+ kwaHerodhi parakanga richichengetwa, mwanasikana waHerodhiyasi akatamba ipapo akafadza Herodhi kwazvo,
7 zvokuti akavimbisa achiita zvokupika kuti aizomupa chose chaaizokumbira.+
8 Zvino iye, arayirwa naamai vake, akati: “Ndipei pano musoro waJohani Mubhabhatidzi+ uri mundiro huru.”
9 Kunyange zvazvo akashungurudzwa, mambo akarayira kuti aupiwe, nokuti airemekedza mhiko dzake uye nokuda kwevaya vakanga vakatsenhama naye;+
10 uye akatumira shoko, akaita kuti Johani adimburwe musoro mujeri.
11 Musoro wake wakaunzwa uri mundiro huru ukapiwa musikana wacho, iye akauendesa kuna amai vake.+
12 Vadzidzi vake vakazouya, vakabvisa chitunha chacho, vakamuviga,+ vakauya vakaudza Jesu.
13 Jesu achinzwa izvi, akabva ipapo nechikepe akaenda kunzvimbo yakanga isina vanhu kuti ave oga;+ asi mapoka evanhu achinzwa nezvazvo, akamutevera netsoka achibva mumaguta.
14 Zvino paakabuda muchikepe, akaona boka guru revanhu; uye akasiririswa+ navo, akarapa vairwara+ vavo.
15 Asi ava manheru vadzidzi vake vakauya kwaari, vakati: “Nzvimbo ino haina vanhu uye nguva yatopera; endesai mapoka acho evanhu, kuti vaende mumisha vazvitengere zvinhu zvokudya.”+
16 Zvisinei, Jesu akati kwavari: “Havafaniri kuenda: imi vapei zvokudya.”+
17 Ivo vakati kwaari: “Hatina chinhu pano kunze kwezvingwa zvishanu nehove mbiri.”+
18 Iye akati: “Uyai nazvo pano pandiri.”
19 Zvino akarayira mapoka acho evanhu kuti vatsenhame pauswa, akatora zvingwa zvishanu nehove mbiri, uye achitarira kudenga, akakumbira chikomborero+ uye, amedura zvingwa, akazvipa vadzidzi, vadzidzi vakazvipawo mapoka acho evanhu.+
20 Naizvozvo vose vakadya vakaguta, uye vakanhonga zvimedu zvakasara, zvikaita tswanda gumi nembiri dzakazara.+
21 Asi vaya vakadya vaiva varume vanenge zviuru zvishanu, vakadzi nevana vaduku vasingabatanidzwi.+
22 Pakarepo akabva agombedzera vadzidzi vake kuti vakwire chikepe ndokufanotungamira mhiri, iye paaiendesa mapoka acho evanhu.+
23 Pakupedzisira, aendesa mapoka acho evanhu, akakwira mugomo ari oga kuti anonyengetera.+ Kunyange akanga ava manheru, iye akanga arimo ari oga.
24 Panguva ino chikepe chakanga chava kure nenyika yakaoma nemazana mazhinji emamita, chichinetswa nemafungu,+ nokuti mhepo yairwisana navo.
25 Asi munguva yokurinda yechina yousiku, akauya kwavari, achifamba pamusoro pegungwa.+
26 Pavakamuona achifamba pamusoro pegungwa, vadzidzi vakanetseka, vachiti: “Idzangaradzimu!”+ Uye vakaridza mhere nokutya.
27 Asi Jesu akabva ataura navo nemashoko okuti: “Shingai, ndini;+ musatya.”
28 Achipindura, Petro akati kwaari: “Ishe, kana muri imi, ndirayirei kuti ndiuye kwamuri nepamusoro pemvura.”
29 Iye akati: “Uya!” Pakarepo Petro, achiburuka muchikepe,+ akafamba pamusoro pemvura akaenda kwaiva naJesu.
30 Asi achitarira dutu, akatya uye, ava kutanga kunyura, akashevedzera achiti: “Ishe, ndiponesei!”
31 Achitambanudza ruoko rwake Jesu akabva amubata, akati kwaari: “Iwe ane kutenda kuduku, nei usina kuva nechokwadi?”+
32 Zvino vakwira muchikepe, dutu rakadzikama.
33 Vaya vakanga vari muchikepe vakabva vamupfugamira, vachiti: “Chokwadi imi muri Mwanakomana waMwari.”+
34 Uye vakayambuka vakasvika kunyika yakaoma muGenesareti.+
35 Vanhu venzvimbo iyoyo pavakamuziva vakatumira shoko munyika iyoyo yose yakapoteredza, uye vanhu vakauya kwaari nevaya vose vakanga vachirwara.+
36 Vakatanga kumuteterera kuti vabate chete masa yenguo yake yokunze;+ uye vaya vose vakaibata vakanyatsoporeswa.