Mateu 16:1-28
16 Zvino vaFarisi+ nevaSadhusi vakasvika kwaari uye, kuti vamuedze, vakamukumbira kuti avaratidze chiratidzo chinobva kudenga.+
2 Achipindura, iye akati kwavari: “[[Kana ava manheru makajaira kuti, ‘Kunze kuchava kwakanaka, nokuti denga rakatsvuka somoto’;
3 uye mangwanani, ‘Kunze kuchatonhora, kuchanaya nhasi, nokuti denga rakatsvuka somoto, asi kwakakwidibira.’ Munoziva kududzira zvinenge zvakaita denga, asi hamugoni kududzira zviratidzo zvenguva.]]+
4 Chizvarwa chakaipa nechoupombwe chinoramba chichitsvaka chiratidzo, asi hapana chiratidzo chachichapiwa+ kunze kwechiratidzo chaJona.”+ Naizvozvo akaenda, achivasiya.+
5 Zvino vadzidzi vakayambukira mhiri vakakanganwa kuenda nezvingwa.+
6 Jesu akati kwavari: “Rambai makasvinura muchenjerere mbiriso yevaFarisi nevaSadhusi.”+
7 Naizvozvo vakatanga kufunga pakati pavo, vachiti: “Hatina kumbouya nezvingwa.”
8 Achiziva izvi, Jesu akati: “Nei muchifunga zvakadai pakati penyu, nokuti hamuna zvingwa, imi mune kutenda kuduku?+
9 Hamusati mava kunzwisisa here, kana kuti hamuyeuki here zvingwa zvishanu zviya zvakadyiwa nevanhu vane zviuru zvishanu uye kuti makaunganidza tswanda ngani?+
10 Kana zvingwa zvinomwe zviya zvakadyiwa nevanhu vane zviuru zvina uye kuti makaunganidza matengu mangani?+
11 Sei musinganzwisisi kuti handina kutaura kwamuri pamusoro pezvingwa? Asi chenjererai mbiriso yevaFarisi nevaSadhusi.”+
12 Vakabva vanzwisisa kuti haana kutaura kuti vachenjerere mbiriso yezvingwa, asi dzidziso+ yevaFarisi nevaSadhusi.
13 Zvino paakasvika mumativi eKesariya Firipi, Jesu akabvunza vadzidzi vake kuti: “Vanhu vari kuti Mwanakomana womunhu ndiani?”+
14 Ivo vakati: “Vamwe vanoti Johani Mubhabhatidzi,+ vamwe Eriya,+ vamwewo Jeremiya kana mumwe wevaprofita.”
15 Iye akati kwavari: “Ko imi, munoti ndini ani?”+
16 Achipindura, Simoni Petro akati: “Ndimi Kristu,+ Mwanakomana waMwari mupenyu.”+
17 Jesu akamupindura kuti: “Unofara, Simoni mwanakomana waJona, nokuti nyama neropa hazvina kukuzivisa izvozvo, asi Baba vangu vari kumatenga ndivo vadaro.+
18 Uyewo, ndinoti kwauri, Ndiwe Petro,+ uye padombo guru+ iri ndichavakira ungano yangu, uye magedhi eHadhesi+ haazoikundi.+
19 Ndichakupa kiyi dzoumambo hwokumatenga, uye chose chaungasunga panyika chichava chinhu chakasungwa kumatenga, uye chose chaungasunungura panyika chichava chinhu chakasunungurwa kumatenga.”+
20 Akabva arayira kwazvo vadzidzi kuti varege kuudza chero munhu upi zvake kuti iye akanga ari Kristu.+
21 Kubvira panguva iyoyo, Jesu Kristu akatanga kuratidza vadzidzi vake kuti anofanira kuenda kuJerusarema otambura zvinhu zvizhinji zvinobva kuvarume vakuru nevapristi vakuru nevanyori, ourayiwa, ozomutswa pazuva rechitatu.+
22 Petro akabva aenda naye parutivi, akatanga kumutsiura, achiti: “Zviitirei mutsa, Ishe; hamungambovi nomugumo uyu.”+
23 Asi, achitendeuka, akati kuna Petro: “Enda shure kwangu, Satani!+ Uri chinhu chinogumbura kwandiri, nokuti haufungi zvinofungwa naMwari, asi zviya zvinofungwa nevanhu.”+
24 Jesu akabva ati kuvadzidzi vake: “Kana munhu achida kunditevera, ngaazvirambe, atore danda rake rokutambudzikira, arambe+ achinditevera.
25 Nokuti munhu wose anoda kuponesa mweya wake acharasikirwa nawo; asi munhu wose anorasikirwa nomweya wake nokuda kwangu achauwana.+
26 Nokuti zvichabatsirei kana munhu akawana nyika yose asi achirasikirwa nomweya wake?+ kana kuti munhu achatsinhanisa+ mweya wake nechii?
27 Nokuti Mwanakomana womunhu anofanira kuuya ari mukubwinya kwaBaba vake aine ngirozi dzake, uye achabva aripira mumwe nomumwe maererano nomufambiro wake.+
28 Chokwadi ndinoti kwamuri pane vamwe vamire pano vasingazomboraviri rufu kusvikira vatanga vaona Mwanakomana womunhu achiuya muumambo hwake.”+