Mateu 20:1-34
20 “Nokuti umambo hwokumatenga hwakafanana nomurume, muridzi wemba, akafumira kunotsvaka vanhu vemaricho kuti vashande mumunda wake wemizambiringa.+
2 Paakanga abvumirana nevashandi nokuda kwedhinari pazuva,+ akavatumira mumunda wake wemizambiringa.
3 Achibudazve inenge awa yechitatu,+ akaona vamwe vamire pamusika+ vasina chavaiita;
4 uye kune ivavo akati, ‘Nemiwo, pindai mumunda wemizambiringa, uye ndichakupai chose chinenge chakakodzera.’
5 Naizvozvo vakaenda. Akabudazve painenge awa yechitanhatu+ neyechipfumbamwe+ akaita saizvozvo.
6 Pakupedzisira, inenge awa yechigumi neimwe chete akabuda akawana vamwe vamire, akati kwavari, ‘Nei maswera makamira pano pasina chamuri kuita?’
7 Ivo vakati kwaari, ‘Nokuti hapana munhu atitora.’ Iye akati kwavari, ‘Nemiwo pindai mumunda wemizambiringa.’+
8 “Ava manheru,+ tenzi womunda wemizambiringa akati kumunhu wake aitarisira, ‘Shevedza vashandi uvabhadhare mibayiro yavo,+ uchibvira pane wokupedzisira kusvikira kune wokutanga.’
9 Varume veawa yechigumi neimwe chete pavakasvika, mumwe nomumwe akagamuchira dhinari.
10 Naizvozvo, vokutanga pavakasvika, vakabva vafunga kuti vaizogamuchira akawanda; asi vakagamuchirawo mubhadharo wedhinari.
11 Pavakarigamuchira, vakatanga kugunun’unira muridzi wemba,+
12 vakati, ‘Vokupedzisira ava vashanda awa imwe chete; asi mavaenzanisa nesu taswera tichishanda tichipiswa kwazvo!’
13 Asi achipindura mumwe wavo, iye akati, ‘Shamwari, handisi kukuitira zvakaipa. Hauna kubvumirana neni dhinari here?+
14 Tora zvinhu zvako, uende. Ndinoda kupa wokupedzisira uyu zvakafanana nezvako.+
15 Hazvibvumirwi nomutemo here kuti ini ndiite zvandinoda nezvinhu zvangu? Kana kuti ziso rako rakaipa+ nokuti ini ndakanaka here?’+
16 Saizvozvo vokupedzisira vachava vokutanga, uye vokutanga vokupedzisira.”+
17 Zvino zvaakanga ava kuda kukwira kuJerusarema, Jesu akatora vadzidzi vake vane gumi nevaviri+ vari voga, akati kwavari vari mumugwagwa:
18 “Tarirai! Tiri kukwira kuJerusarema, uye Mwanakomana womunhu achaiswa kuvapristi vakuru nevanyori, vachamutongera rufu,+
19 uye vachamuisa kuvanhu vemamwe marudzi kuti vamuseke uye kuti vamuzvambure uye kuti vamuroverere,+ asi achamutswa pazuva rechitatu.”+
20 Zvino amai vevanakomana vaZebhedhi+ vakasvika kwaari vaine vanakomana vavo, vachimupfugamira uye vachikumbira chimwe chinhu kwaari.+
21 Iye akati kwavari: “Munodei?” Ivo vakati kwaari: “Ndinokumbirawo kuti vanakomana vangu ava vaviri vagare, mumwe kuruoko rwenyu rworudyi uye mumwe kuruboshwe rwenyu muumambo hwenyu.”+
22 Jesu akapindura achiti: “Varume imi hamuzivi zvamuri kukumbira. Munogona here kunwira mukapu+ yandava kuda kunwira?” Ivo vakati kwaari: “Tinogona.”
23 Iye akati kwavari: “Chokwadi muchanwira henyu mukapu yangu,+ asi izvi zvokugara pasi kuruoko rwangu rworudyi nokuruboshwe rwangu handisi ini ndinopa izvozvo, asi ndezvevaya vakazvigadzirirwa naBaba vangu.”+
24 Vamwe vane gumi pavakanzwa izvi, vakatsamwira mukoma nomunun’una ava.+
25 Asi Jesu, achivashevedza, akati: “Imi munoziva kuti vatongi vemamwe marudzi vanozviita madzishe paari uye vanhu vakuru vanoshandisa simba paari.+
26 Izvi hazvina kudaro pakati penyu;+ asi munhu wose anoda kuva mukuru pakati penyu anofanira kuva mushumiri wenyu,+
27 uye munhu wose anoda kuva wokutanga pakati penyu anofanira kuva muranda wenyu.+
28 Zvakafanana noMwanakomana womunhu asina kuuya kuzoshumirwa, asi kuzoshumira+ nokupa mweya wake kuti uve rudzikinuro mukutsinhana nevazhinji.”+
29 Zvino zvavakanga vava kubuda muJeriko,+ boka guru revanhu rakamutevera.
30 Uye tarira! mapofu maviri akanga agere parutivi pomugwagwa, paakanzwa kuti Jesu akanga achipfuura naipapo, akashevedzera, achiti: “Ishe, tinzwireiwo ngoni, Mwanakomana waDhavhidhi!”+
31 Asi boka revanhu rakaaudza zvakasimba kuti arambe akanyarara; asi iwo akatonyanya kushevedzera, achiti: “Ishe, tinzwireiwo ngoni, Mwanakomana waDhavhidhi!”+
32 Naizvozvo Jesu akamira, akaashevedza, akati: “Munoda kuti ndikuitirei?”
33 Iwo akati kwaari: “Ishe, itai kuti maziso edu asvinure.”+
34 Asiririswa, Jesu akabata maziso awo,+ akabva angoona, akamutevera.+