Mateu 28:1-20
28 Pashure pesabata, pakwakanga kwava kuedza, pazuva rokutanga revhiki, Mariya Magadharini nomumwe Mariya vakaenda kunoona guva racho.+
2 Zvino tarira! kudengenyeka kukuru kwenyika kwakanga kwaitika; nokuti ngirozi yaJehovha yakanga yaburuka ichibva kudenga, ikasvika ikakungurutsa dombo, uye yakanga yakagara pariri.+
3 Chitarisiko chayo chakanga chakaita semheni,+ uye zvipfeko zvayo zvakanga zvakachena sechando.+
4 Chokwadi, varindi vakadedera, vakava sevanhu vakafa nokuitya.
5 Asi ngirozi,+ ichipindura vakadzi ivavo, yakati: “Imi musatya, nokuti ndinoziva kuti muri kutsvaka Jesu+ akarovererwa.
6 Haapo pano, nokuti akamutswa,+ sezvaakataura. Uyai, onai paakanga akarara.
7 Zvino kurumidzai kuenda munoudza vadzidzi vake kuti iye akamutswa+ kubva kuvakafa, uye tarirai! ari kufanoenda kuGarireya;+ muchanomuona ikoko. Tarirai! Ndakuudzai.”+
8 Naizvozvo, vachikurumidza kubva paguva, vachitya uye vachifara kwazvo, vakamhanya kunoudza vadzidzi vake.+
9 Zvino tarira! Jesu akasangana navo akati: “Kwaziwai!” Ivo vakaswedera pedyo, vakamubata tsoka dzake, vakamupfugamira.
10 Jesu akabva ati kwavari: “Musatya! Endai, munoudza hama dzangu,+ kuti dziende kuGarireya; uye dzichandiona ikoko.”
11 Pavakanga vachienda, tarira! vamwe vevarindi+ vakapinda muguta vakaudza vapristi vakuru zvinhu zvose zvakanga zvaitika.
12 Pashure pokunge ava vaungana pamwe chete nevarume vakuru uye varangana, vakapa varwi masirivha akakwana,+
13 vakati: “Itii, ‘Vadzidzi vake+ vakauya usiku vakamuba patakanga takarara.’
14 Kana izvi zvikanzwika nagavhuna, tichamunyengetedza uye tichaita kuti murege kunetseka.”
15 Naizvozvo vakatora masirivha acho vakaita sezvavakanga varayirwa; uye mashoko aya akaparadzirwa kwose kwose pakati pevaJudha kusvikira nhasi.
16 Zvisinei, vadzidzi vane gumi nomumwe chete vakaenda kuGarireya+ kugomo uko Jesu akanga arangana navo,
17 uye pavakamuona, vakamupfugamira asi vamwe havana kuva nechokwadi.+
18 Jesu akaswedera pedyo, akataura navo, achiti: “Ndakapiwa simba rose+ kudenga nepanyika.
19 Naizvozvo endai munoita kuti vanhu vemarudzi ose+ vave vadzidzi,+ muchivabhabhatidza+ muzita raBaba+ neroMwanakomana+ neromudzimu mutsvene,+
20 muchivadzidzisa+ kuchengeta+ zvinhu zvose zvandakakurayirai.+ Tarirai! ndinemi+ mazuva ose kusvikira pakuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva yacho.”+