Mateu 3:1-17
3 Mumazuva iwayo Johani Mubhabhatidzi+ akauya achiparidza murenje+ reJudhiya,
2 achiti: “Pfidzai,+ nokuti umambo hwokumatenga hwaswedera pedyo.”+
3 Chokwadi, uyu ndiye akataurwa nezvake pachishandiswa muprofita Isaya+ nemashoko aya zvichinzi: “Teererai! Mumwe munhu ari kushevedzera ari murenje, achiti, ‘Gadzirai+ nzira yaJehovha! Ruramisai migwagwa yake.’”
4 Asi Johani uyu aipfeka chipfeko chemvere+ dzengamera uye aisunga bhandi reganda+ muchiuno chake; zvokudya zvakewo zvakanga zviri mhashu+ nouchi hwomusango.+
5 Vanhu vomuJerusarema neJudhiya yose nenyika yose yakapoteredza Jodhani vakabva vabuda, vakaenda kwaaiva,
6 uye vanhu vakabhabhatidzwa naye muRwizi rwaJodhani,+ vachireurura pachena zvivi zvavo.
7 Paakaona vaFarisi nevaSadhusi+ vazhinji vachiuya kwaaibhabhatidzira, iye akati kwavari: “Imi vana venyoka,+ ndiani akakunyeurirai kuti mutize hasha dzinouya?+
8 Naizvozvo berekai zvibereko zvakakodzera rupfidzo;+
9 uye regai kuti, ‘Abrahamu ndiye baba vedu.’+ Nokuti ndinoti kwamuri Mwari anokwanisa kumutsira Abrahamu vana+ pamatombo aya.
10 Demo+ ratova pamidzi yemiti; saka, muti wose usingabereki zvibereko zvakanaka unofanira kutemerwa pasi+ wokandwa mumoto.+
11 Ini ndinokubhabhatidzai nemvura+ nokuda kwokupfidza+ kwenyu; asi uyo anouya+ pashure pangu akasimba kupfuura zvandakaita, ane hwashu dzandisina kukodzera kubvisa.+ Iyeye achakubhabhatidzai nomudzimu mutsvene+ uye nomoto.+
12 Foshoro yake yokuurutsisa iri muruoko rwake, achanyatsochenesa buriro rake, uye achaunganidzira gorosi rake mudura,+ asi achapisa hundi+ nomoto usingagoni kudzimwa.”
13 Zvino Jesu akabva kuGarireya+ akaenda kuJodhani kuna Johani, kuti anobhabhatidzwa+ naye.
14 Asi Johani akaedza kumudzivisa, achiti: “Ndini ndinofanira kubhabhatidzwa nemi, nei mava kuuya kwandiri?”
15 Achipindura, Jesu akati kwaari: “Rega zvive zvakadaro, nguva ino, nokuti saizvozvo zvakakodzera kuti tiite zvose zvakarurama.”+ Ipapo haana kuzomurambidza.
16 Achangobva kubhabhatidzwa, Jesu akabuda mumvura; uye tarira! matenga akavhurika,+ Johani akaona mudzimu waMwari uchiburuka wakaita senjiva+ uchiuya paari.+
17 Tarira! Kwaivawo neinzwi+ rakabva kumatenga rakati: “Uyu ndiye Mwanakomana wangu,+ anodiwa,+ wandafarira.”+