Mateu 4:1-25
4 Zvino Jesu akatungamirirwa nomudzimu kuti apinde murenje+ kunoedzwa+ naDhiyabhorosi.
2 Pashure pokunge atsanya mazuva ane makumi mana nousiku hune makumi mana,+ akatanga kunzwa nzara.
3 Uyewo, Muedzi+ akauya akati kwaari: “Kana uri mwanakomana waMwari,+ udza matombo aya kuti ave zvingwa.”
4 Asi achipindura, iye akati: “Zvakanyorwa kuti, ‘Munhu haangararami nechingwa chete, asi nemashoko ose anobuda mumuromo maJehovha.’”+
5 Dhiyabhorosi akabva aenda naye muguta dzvene,+ akamumisa pamusoro porusvingo rwetemberi,
6 akati kwaari: “Kana uri mwanakomana waMwari, zviwisire pasi;+ nokuti zvakanyorwa kuti, ‘Iye acharayira ngirozi dzake pamusoro pako, uye dzichakutakura pamaoko adzo, kuti tsoka yako irege kumbogumburwa nedombo.’”+
7 Jesu akati kwaari: “Zvakare zvakanyorwa kuti, ‘Usaedza Jehovha Mwari wako.’”+
8 Zvakare Dhiyabhorosi akaenda naye kugomo refu refu, akamuratidza umambo hwose hwenyika+ nokubwinya kwahwo,
9 akati kwaari: “Ndichakupa zvinhu zvose izvi+ kana ukawira pasi wongondinamata kamwe chete.”+
10 Jesu akabva ati kwaari: “Ibva, Satani! Nokuti zvakanyorwa kuti, ‘Jehovha Mwari wako ndiye waunofanira kunamata,+ uye ndiye oga+ waunofanira kuitira basa dzvene.’”+
11 Dhiyabhorosi akabva amusiya,+ uye tarira! ngirozi dzakauya, dzikatanga kumushumira.+
12 Zvino paakanzwa kuti Johani akanga asungwa,+ akabva, akaenda kuGarireya.+
13 Uyezve, abva kuNazareta, akasvika akagara muKapenaume+ pedyo negungwa mumaruwa aZebhuruni neaNaftari,+
14 kuti zvizadzike zviya zvakataurwa pachishandiswa muprofita Isaya, achiti:
15 “Haiwa iwe nyika yaZebhuruni nenyika yaNaftari, iri nechomumugwagwa wegungwa, mhiri kwaJodhani, Garireya+ yemamwe marudzi!
16 vanhu vagere murima+ vakaona chiedza chikuru,+ uye vaya vagere munzvimbo yomumvuri worufu, chiedza+ chakavabudira.”+
17 Kubvira panguva iyoyo Jesu akatanga kuparidza, achiti: “Pfidzai,+ nokuti umambo+ hwokumatenga hwaswedera pedyo.”
18 Achifamba murutivi megungwa reGarireya, akaona mukoma nomunun’una, Simoni+ anonzi Petro+ naAndreya munun’una wake, vachidzikisa mambure okubatisa hove mugungwa, nokuti vaiva vabati vehove.
19 Iye akati kwavari: “Nditeverei, uye ndichakuitai vabati vevanhu.”+
20 Vakabva vangosiya mambure acho,+ vakamutevera.
21 Achibvawo ipapo akaona vamwe vaviri+ vakanga vari mukoma nomunun’una, Jakobho mwanakomana waZebhedhi+ naJohani munun’una wake, vari muchikepe vaina Zebhedhi baba vavo, vachigadzira mambure avo, uye akavashevedza.
22 Vakabva vangosiya chikepe chacho nababa vavo, vakamutevera.
23 Zvino akapota+ neGarireya yose,+ achidzidzisa mumasinagogi+ avo nokuparidza mashoko akanaka oumambo uye achirapa hosha dzemarudzi ose+ noundonda hwemarudzi ose pakati pevanhu.
24 Mashoko ane chokuita naye akapararira muSiriya+ yose; uye vakamuunzira vose vakanga vachinetseka,+ vachitambudzwa nehosha dzakasiyana-siyana nemarwadzo, vaiva nemadhimoni nevaiva netsviyo+ nevakanga vakaoma rutivi rwomuviri, iye akavarapa.
25 Naizvozvo mapoka makuru evanhu akamutevera achibva kuGarireya+ neDhekaporisi neJerusarema+ neJudhiya uye achibva mhiri kwaJodhani.