Mateu 6:1-34
6 “Chenjerai kuti murege kuita zvakarurama+ pamberi pevanhu kuti muonekwe navo; kana mukadaro hamuzowani mubayiro kuna Baba venyu vari kumatenga.
2 Nokudaro paunopa varombo zvipo uchivanzwira ngoni,+ usaridza bhosvo+ pamberi pako, sezvinoita vanyengeri mumasinagogi nomumigwagwa, kuti vakudzwe nevanhu. Chokwadi ndinoti kwamuri, Ivo vari kuwana mubayiro wavo wakakwana.
3 Asi iwe, paunopa varombo zvipo uchivanzwira ngoni, usaita kuti ruoko rwako rworuboshwe ruzive zviri kuitwa norudyi rwako,
4 kuti zvipo zvako zvaunopa varombo uchivanzwira ngoni zvive pakavanda; ipapo Baba vako vari kuona vari pakavanda vachakuripa.+
5 “Uyewo, pamunonyengetera, musava sevanyengeri; nokuti ivo vanoda kunyengetera vakamira+ mumasinagogi nepamharadzano dzenzira dzakafara kuti vaonekwe nevanhu.+ Chokwadi ndinoti kwamuri, Ivo vari kuwana mubayiro wavo wakakwana.
6 Zvisinei, iwe paunonyengetera, pinda muimba yako+ uye, kana wavhara suo rako, nyengetera kuna Baba vako vari pakavanda;+ ipapo Baba vako vanoona vari pakavanda vachakuripa.
7 Asi paunenge uchinyengetera, usadzokorora-dzokorora zvinhu zvakafanana,+ sezvinoita vanhu vemamwe marudzi, nokuti vanofunga kuti vachanzwiwa nokuda kwokushandisa kwavo mashoko mazhinji.
8 Naizvozvo, musazvifananidza navo, nokuti Mwari Baba venyu vanoziva kuti zvinhu zvipi zvamunoda+ musati mambovakumbira.
9 “Saka, munofanira kunyengetera seizvi:+
“‘Baba vedu vari kumatenga, zita renyu+ ngaritsveneswe.+
10 Umambo hwenyu+ ngahuuye. Kuda kwenyu+ ngakuitwe panyika,+ sezvakunoitwa kudenga.
11 Tipei nhasi zvokudya zvedu zvanhasi;+
12 uye tikanganwirei zvivi* zvedu, sezvatakanganwirawo vakatitadzira.+
13 Musatipinza mumuedzo,+ asi tinunurei pane akaipa.’+
14 “Nokuti kana muchikanganwira vanhu kudarika kwavo, Baba venyu vokudenga vachakukanganwiraiwo;+
15 asi kana musingakanganwiri vanhu kudarika kwavo, Baba venyu havangakanganwiriwo kudarika kwenyu.+
16 “Pamunenge muchitsanya,+ regai kuva nechiso chakasuruvara sevanyengeri, nokuti ivo vanoshatisa zviso zvavo kuti vaonekwe nevanhu kuti vari kutsanya.+ Chokwadi ndinoti kwamuri, Ivo vari kuwana mubayiro wavo wakakwana.
17 Asi iwe, paunenge uchitsanya, zora musoro wako mafuta ugeze chiso chako,+
18 kuti urege kuonekwa nevanhu kuti uri kutsanya, asi naBaba vako vari pakavanda;+ ipapo Baba vako vanoona vari pakavanda vachakuripa.
19 “Regai kuzviunganidzira pfuma+ panyika, pane chitemamachira nengura zvinodya, uye pane mbavha dzinopaza dzoba.
20 Asi, zviunganidzirei pfuma kudenga,+ kusina chitemamachira kana ngura zvinodya,+ uye kusina mbavha dzinopaza dzoba.
21 Nokuti pane pfuma yako, ndipowo pachava nomwoyo wako.
22 “Rambi romuviri iziso.+ Zvino, kana ziso rako rakanaka, muviri wako wose uchava wakajeka;
23 asi kana ziso rako rakaipa,+ muviri wako wose uchava nerima. Chokwadi kana chiedza chiri mauri riri rima, rakakura sei rima iroro!+
24 “Hapana munhu anogona kushandira vanatenzi vaviri; nokuti zvimwe achavenga mumwe oda mumwe wacho,+ kana kuti achaomerera kune mumwe ozvidza mumwe wacho. Hamungagoni kushandira Mwari pamwe chete nePfuma.+
25 “Nokuda kweizvi ndinoti kwamuri: Regai kuzvidya mwoyo+ pamusoro pemweya yenyu pamusoro pechamuchadya kana chamuchanwa, kana pamusoro pemiviri yenyu kuti muchapfekei.+ Mweya haurevi zvinopfuura zvokudya uye muviri kupfuura zvipfeko here?+
26 Nyatsocherechedzai shiri+ dzokudenga, nokuti hadzidyari mbeu kana kukohwa kana kuunganidza mumatura; asi Baba venyu vokudenga vanodzipa zvokudya. Hamukoshi kupfuura zvadziri here?+
27 Ndiani wenyu anogona kuwedzera kubhiti rimwe chete paurefu hwoupenyu hwake nokuzvidya mwoyo?+
28 Uyewo, munozvidyirei mwoyo pamusoro penyaya yezvokupfeka? Dzidzai kumaruva+ omusango, kukura kwawo; haashandi nesimba, uyewo haaruki;
29 asi ndinoti kwamuri kunyange naSoromoni+ mukubwinya kwake kwose haana kushonga serimwe reaya.
30 Zvino, kana Mwari achipfekedza zvinomera zvomusango saizvozvo, zviripo nhasi uye mangwana zvinokandwa muchoto, haangatokupfekedzei kwazvo here, imi vane kutenda kuduku?+
31 Naizvozvo musambozvidya mwoyo+ muchiti, ‘Tichadyeiko?’ kana, ‘Tichanweiko?’ kana, ‘Tichapfekeiko?’
32 Nokuti zvose izvi ndizvo zvinhu zvinotsvakwa nemamwe marudzi nomwoyo wose. Nokuti Baba venyu vokudenga vanoziva kuti munoda zvinhu zvose izvi.+
33 “Saka, rambai muchitanga kutsvaka umambo nokururama kwake,+ uye izvi zvimwe zvinhu zvose zvichawedzerwa kwamuri.+
34 Naizvozvo, musambozvidya mwoyo pamusoro pezuva rinotevera,+ nokuti zuva rinotevera richava nokuzvidya mwoyo kwaro. Zuva rimwe nerimwe rinokwanirwa nouipi hwaro.
Mashoko Emuzasi
^ Mat 6:12 Kureva, “zvikwereti.”