Mateu 8:1-34
8 Pashure pokunge aburuka mugomo, mapoka makuru evanhu akamutevera.
2 Zvino tarira! murume aiva nemaperembudzi+ akauya akatanga kumupfugamira, achiti: “Ishe, kana muchida henyu, munogona kundichenesa.”
3 Naizvozvo, achitambanudza ruoko rwake, akamubata, achiti: “Ndinoda. Cheneswa.”+ Maperembudzi ake akabva angocheneswa.+
4 Jesu akabva ati kwaari: “Ona kuti hapana waunoudza,+ asi enda, uzviratidze kumupristi,+ upe chipo+ chakarayirwa naMosesi, kuti zvive uchapupu kwavari.”
5 Paakapinda muKapenaume,+ mumwe mukuru weuto akauya kwaari, achimuteterera,
6 achiti: “Changamire, mushandirume wangu akarara mumba akaoma rutivi rwomuviri, achitambudzika kwazvo.”
7 Iye akati kwaari: “Pandinosvika ikoko ndichamurapa.”
8 Achipindura, mukuru weuto akati: “Changamire, handisi munhu akakodzera kuti mupinde pasi pedenga reimba yangu, asi taurai henyu shoko uye mushandirume wangu achaporeswa.
9 Nokuti neniwo ndiri munhu akaiswa pasi pesimba revamwe, ndine varwi vari pasi pangu, ndinoti kune uyu, ‘Enda!’+ uye anoenda, uye kune mumwe, ‘Uya!’ uye anouya, uye kumuranda wangu, ‘Ita izvi!’ uye anozviita.”
10 Achinzwa izvozvo, Jesu akashamiswa akati kune vaya vakanga vachimutevera: “Ndinokuudzai chokwadi, Handina kuwana munhu ane kutenda kwakakura kudai pakati paIsraeri.+
11 Asi ndinokuudzai kuti vazhinji vanobva kumativi okumabvazuva nokumativi okumavirira+ vachauya votsenhama patafura naAbrahamu naIsaka naJakobho muumambo+ hwokumatenga;+
12 asi vanakomana voumambo+ vachakandwa murima riri kunze. Imomo ndimo mavachasvimha misodzi vari nokugeda-geda mazino avo.”+
13 Jesu akabva ati kumukuru weuto: “Enda. Zvawatenda, saka ngazviitike nokuda kwako.”+ Mushandirume wacho akaporeswa muawa iyoyo.
14 Zvino Jesu, paakapinda mumba maPetro, akaona amai vomudzimai wake+ varere vachirwara nefivha.+
15 Naizvozvo akabata ruoko rwavo,+ fivha ikapera, uye vakasimuka vakatanga kumushumira.+
16 Asi ava manheru, vanhu vakauya kwaari nevanhu vazhinji vaiva nemadhimoni; uye akadzinga midzimu yacho neshoko, akarapa vose vakanga vachinetseka;
17 kuti zvizadzike zvakataurwa pachishandiswa muprofita Isaya, achiti: “Iye akatora zvirwere zvedu, akatakura hosha dzedu.”+
18 Jesu paakaona boka revanhu rakamupoteredza, akarayira kuti vayambukire mhiri.+
19 Zvino mumwe munyori akauya akati kwaari: “Mudzidzisi, ndichakuteverai kwose kwamave kuda kuenda.”+
20 Asi Jesu akati kwaari: “Makava ane maguru uye shiri dzokudenga dzine pokugara, asi Mwanakomana womunhu haana pokuisa musoro wake.”+
21 Mumwe wevadzidzi akabva ati kwaari: “Ishe, ndibvumirei kuti nditange ndaenda kunoviga baba vangu.”
22 Jesu akati kwaari: “Ramba uchinditevera, uye rega vakafa vavige vakafa vavo.”+
23 Paakanga akwira muchikepe,+ vadzidzi vake vakamutevera.
24 Zvino tarira! kusagadzikana kukuru kwakavapo mugungwa, zvokuti chikepe chakanga chichifukidzwa nemafungu; asi iye akanga akarara.+
25 Vakauya vakamumutsa,+ vachiti: “Ishe, tiponesei, tava kuda kuparara!”
26 Asi iye akati kwavari: “Nei muchitya, imi mune kutenda kuduku?”+ Ipapo, achimuka, akatuka mhepo negungwa, kudzikama kukuru kukavapo.+
27 Naizvozvo varume vacho vakashamiswa, vakati: “Uyu munhu worudzii,+ zvokuti kunyange mhepo negungwa zvinomuteerera?”
28 Paakasvika mhiri, munyika yevaGadhara,+ varume vaviri vaiva nemadhimoni vakasangana naye imomo+ vachibva kumakuva, vachityisa kwazvo, zvokuti hapana kana munhu aiva noushingi hwokupfuura nepamugwagwa iwoyo.
29 Zvino tarira! ivo vakashevedzera, vachiti: “Tinei nemi, Mwanakomana waMwari?+ Mauya kuno kuzotirwadzisa+ nguva yakatarwa isati yasvika here?”+
30 Asi boka renguruve zhinji rakanga richifura kure navo.
31 Naizvozvo madhimoni akatanga kumuteterera, achiti: “Kana mukatidzinga, titumirei muboka renguruve.”+
32 Naizvozvo iye akati kwaari: “Endai!” Iwo akabuda akapinda munguruve; uye, tarira! boka racho rose rakamhanya nepamawere rikapinda mugungwa rikafira mumvura.+
33 Asi vafudzi vakatiza uye, vachipinda muguta, vakataura zvinhu zvose, kubatanidza nyaya yevarume vaiva nemadhimoni.
34 Zvino tarira! guta rose rakabuda kuzosangana naJesu; uye vamuona, vakamukurudzira nomwoyo wose kuti abve mumaruwa avo.+