Mika 1:1-16
1 Iri ndiro shoko raJehovha rakauya kuna Mika+ wokuMoresheti, mumazuva aJotamu,+ Ahazi,+ Hezekiya,+ madzimambo aJudha,+ raakaona pamusoro peSamariya+ neJerusarema:+
2 “Inzwai, haiwa imi marudzi, mose zvenyu; teerera, haiwa iwe nyika nezviri mauri,+ uye Changamire Ishe Jehovha ngaakupupurirei,+ iye Jehovha ari mutemberi yake tsvene.+
3 Nokuti tarirai! Jehovha ari kubuda munzvimbo yake,+ achaburuka otsika panzvimbo dzakakwirira dzenyika.+
4 Makomo achanyunguduka pasi pake,+ uye mapani achatsemuka, sezvinoita namo pamoto,+ sezvinoita mvura iri kudururirwa pamawere.
5 “Zvinhu izvi zvose zviripo nokuda kwokumukira kwaJakobho, nokuda kwezvivi zveimba yaIsraeri.+ Ndiani akaita kuti Jakobho amukire? Harisi Samariya here?+ Ndiani akaita kuti Judha ave nenzvimbo dzakakwirira?+ Harisi Jerusarema here?
6 Ndichaita kuti Samariya rive murwi wezvakaparadzwa panyika,+ nzvimbo dzokudyara mizambiringa; uye ndichadururira matombo aro mumupata, uye ndichaita kuti nheyo dzaro dzive pachena.+
7 Mifananidzo yaro yakavezwa ichaputswa-putswa yose,+ zvipo zvose zvarakapiwa somubhadharo waro zvichapiswa nomoto;+ uye ndichaparadza zvidhori zvaro zvose. Nokuti rakazviunganidza kubva pazvinhu zvarakapiwa somubhadharo wepfambi, uye zvichadzokera kuchinhu chakapiwa somubhadharo wepfambi.”+
8 Ndichachema uye ndichaungudza nokuda kweizvi;+ ndichafamba ndisina shangu uye ndisina kupfeka.+ Ndichaungudza sezvinoita hunguhwe, uye ndichachema sezvinoita mhou sheche.
9 Nokuti ronda raro harirapiki;+ nokuti rasvika kuna Judha,+ denda racho rasvika kugedhi revanhu vangu, kuJerusarema chaiko.+
10 “Musazvizivisa muri muGati; chokwadi regai kusvimha misodzi.+
“Umburukai muguruva muri mumba maAfra.+
11 Gura nepakati, haiwa iwe mukadzi anogara muShafiri, wakashama zvinonyadzisa.+ Mukadzi anogara muZaanani haana kubuda. Kuungudza kweBheti-ezeri kuchatora nzvimbo yakwo yokumira kwamuri.
12 Nokuti mukadzi anogara muMaroti akamirira zvinhu zvakanaka,+ asi zvakaipa ndizvo zvakauya zvichibva kuna Jehovha zvikaenda kugedhi reJerusarema.+
13 Sungirira mabhiza anomhanya kwazvo pangoro, haiwa iwe mukadzi anogara muRakishi.+ Iye aiva kutanga kwechivi kumwanasikana weZiyoni,+ nokuti kumukira kwaIsraeri kwakawanikwa mauri.+
14 Naizvozvo uchapa Moresheti-gati zvipo zvokuonekana.+ Dzimba dzaAkzibhu+ dzaiva chinhu chinonyengera kumadzimambo aIsraeri.
15 Ndichakuunzira anokutorera zvinhu,+ haiwa iwe mukadzi anogara muMarisha.+ Kukudzwa kwaIsraeri kuchasvika kuAdhuramu.+
16 Gerwa muparavara, uveure bvudzi rako nokuda kwevanakomana vaunofarira kwazvo.+ Wedzera muparavara wako uite sezvakaita wegondo, nokuti vabva kwamuri vachienda kwavakatapirwa.”+