Mika 7:1-20
7 Ndine nhamo,+ nokuti ndaita semichero yomuzhizha yakaunganidzwa, sezvakasaririra pakakohwewa mazambiringa!+ Hapana sumbu remazambiringa rokudya, hapana onde rokutangatanga, ringadiwa nomweya wangu!+
2 Munhu akavimbika aparara panyika, uye pakati pevanhu hapana munhu akarurama.+ Vose zvavo, vanovandira kuti vateure ropa.+ Munhu wose anovhima hama yake, aine mambure.+
3 Maoko avo ari pane zvakaipa, kuti vanyatsozviita;+ muchinda ari kukumbira chimwe chinhu, uye uya ari kutonga anoita kudaro kuti awane mubayiro,+ munhu mukuru ari kutaura zvinoda mweya wake, zvaanoda iye pachake;+ uye vanozviruka pamwe chete.
4 Munhu wavo akanaka kupfuura vamwe vose akaita segwenzi rine minzwa, munhu wavo akarurama kupfuura vamwe vose akaipa kupfuura ruzhowa rweminzwa.+ Zuva romurindi wako, rokufungwa kwako richasvika.+ Zvino kukangaidzwa kwavo kuchavapo.+
5 Musava nokutenda mune wamunofambidzana naye. Regai kuvimba neshamwari inovimbwa.+ Chenjerera kushama kwomuromo wako kumukadzi anorara pachipfuva chako.+
6 Nokuti mwanakomana ari kuzvidza baba; mwanasikana ari kumukira amai vake;+ muroora ari kumukira vamwene vake;+ vavengi vomunhu vanhu vomumba make.+
7 Asi ini, ndicharamba ndichitarira kuna Jehovha.+ Ndichamirira Mwari woruponeso rwangu.+ Mwari wangu achandinzwa.+
8 Haiwa iwe mukadzi, muvengi wangu, rega kufara pamusoro pangu.+ Kunyange zvazvo ndakawira pasi, ndichamuka;+ kunyange ndichigara murima,+ Jehovha achava chiedza changu.+
9 Ndichatakura hasha dzaJehovha—nokuti ndakamutadzira+—kusvikira anditongera mhosva yangu ondiruramisira.+ Achandiunza kuchiedza; ndichatarira kururama kwake.+
10 Muvengi wangu achaona, uye achafukidzwa nenyadzi,+ iye aiti kwandiri: “Ari kupi, iye Jehovha Mwari wako?”+ Maziso angu achamutarira.+ Zvino achava nzvimbo yokutsika-tsika, sematope omumigwagwa.+
11 Zuva rokuvaka masvingo ako ematombo, pazuva iroro murau uchava kure.+
12 Pazuva iroro vachauya kwauri vachibva kuAsiriya nemaguta eIjipiti, kubvira kuIjipiti kusvikira kuRwizi;+ kubvira kugungwa kusvikira kugungwa, uye kubvira kugomo kusvikira kugomo.+
13 Nyika ichava dongo nemhosva yevagari vayo, nokuda kwezvibereko zvemabasa avo.+
14 Fudzai vanhu venyu nomudonzvo wenyu,+ iwo makwai enhaka yenyu, iya yaigara yoga musango—pakati pomunda wemichero.+ Ngavafure muBhashani neGiriyedhi+ somumazuva ekare kare.+
15 “Ndichavaratidza zvinhu zvinoshamisa sepamazuva avakabuda munyika yeIjipiti.+
16 Marudzi achaona onyara nokuva nesimba kwawo.+ Achabata miromo yawo;+ nzeve dzawo hadzizonzwi.
17 Vachananzva guruva sezvinoita nyoka;+ vachabuda mumasvingo avo anodzivirira vachidedera+ sezvinoita zvinokambaira zvepanyika. Vachauya kuna Jehovha Mwari wedu vachidedera, uye vachakutyai.”+
18 Ndoupi Mwari akaita semi,+ anoregerera kukanganisa nokuregerera kudarika+ kwevakasara venhaka yake?+ Haazorambi akatsamwa nokusingaperi, nokuti anofarira mutsa worudo.+
19 Achatinzwirazve ngoni;+ achatsikirira kukanganisa kwedu.+ Muchakanda zvivi zvavo zvose munzvimbo dzakadzika dzegungwa.+
20 Muchavaratidza chokwadi chenyu chakapiwa Jakobho, mutsa worudo wakapiwa Abrahamu, zvamakapikira madzitateguru edu kubvira pamazuva ekare kare.+