Muparidzi 2:1-26
2 Ini, iyeni, ndakati mumwoyo mangu:+ “Chiuya zvino, ndikuedze nokufara.+ Uyewo, fadzwa nezvinhu zvakanaka.”+ Asi, tarirai! izvozvowo zvakanga zvisina zvazvaibatsira.
2 Ndakaudza kuseka kuti: “Kupenga!”+ uye ndakaudza kufara+ kuti: “Kuri kuiteiko?”
3 Ndakaongorora nomwoyo wangu ndichifadza nyama yangu newaini,+ pandaitungamirira mwoyo wangu nouchenjeri,+ kuti ndibate upenzi kusvikira ndaona kuti zvakanaka ndezvipi pane zvaiitwa nevanakomana vevanhu pasi pematenga kwemazuva ose oupenyu hwavo.+
4 Ndakaita mabasa makuru.+ Ndakazvivakira dzimba;+ ndikazvidyarira minda yemizambiringa.+
5 Ndakazvigadzirira minda nemapaki,+ ndikadyara imomo miti yemichero yemarudzi ose.
6 Ndakazvigadzirira madziva emvura,+ kuti ndiadiridzise sango raimera miti.+
7 Ndakawana vashandirume nevashandikadzi,+ ndakava nevanakomana vakaberekerwa muimba yangu.+ Ndakavawo nezvipfuwo zvizhinji, mombe nemakwai, zvizhinji kupfuura vose vakavapo ini ndisati ndavapo muJerusarema.+
8 Ndakazviunganidzira sirivha nendarama,+ nepfuma yaingowanikwa nemadzimambo uye nematunhu chete.+ Ndakazvitsvakira vaimbi vechirume nevaimbi vechikadzi+ nezvinhu zvinofadza+ vanakomana vevanhu kwazvo, iye mukadzi, nevakadzi vazhinji.+
9 Ndakava mukuru, ndikawedzera kupfuura vose vakavapo ini ndisati ndavapo muJerusarema.+ Uyezve, uchenjeri hwangu hwakaramba huri hwangu.+
10 Handina kunyima maziso angu chero chinhu chipi zvacho chaakakumbira.+ Handina kudzivisa mwoyo wangu chero kufara kworudzi rupi zvako, nokuti mwoyo wangu waifara nokuda kwebasa rangu rose rakaoma,+ uye uyu ndiwo wakava mugove wangu webasa rangu rose rakaoma.+
11 Ini, iyeni, ndakatendeukira kumabasa angu ose akanga aitwa nemaoko angu uye kubasa rakaoma randakanga ndashanda zvakaoma kuti ndiite,+ asi tarira! zvinhu zvose zvakanga zvisina zvazvinobatsira uye kuri kudzingana nemhepo,+ uye hapana chaibatsira pasi pezuva.+
12 Ini, iyeni, ndakatendeuka kuti ndione uchenjeri+ noupengo noupenzi;+ nokuti munhu wepanyika anotevera mambo angaitei? Icho chinhu chakatoitwa nevanhu.
13 Ini, iyeni, ndakaona kuti uchenjeri hunobatsira kwazvo kupfuura upenzi,+ sokubatsira kunoita chiedza kupfuura rima.+
14 Ani naani akachenjera, maziso ake ari mumusoro make;+ asi benzi rinofamba murima gobvu.+ Iniwo ndakaziva kuti vose vanowirwa nomugumo wakangofanana.+
15 Ini ndakati mumwoyo mangu:+ “Mugumo wakaita souya unowira benzi+ uchandiwirawo.”+ Saka, nei ndakava akachenjera, ndakanyanyisa kuchenjera+ panguva iyoyo? Ndakataura mumwoyo mangu ndikati: “Izviwo hazvina zvazvinobatsira.”
16 Nokuti akachenjera haazoyeukwi kupfuura benzi nokusingagumi.+ Mumazuva ari kutouya, munhu wose achakanganwika; zvino akachenjera achafa sei? Pamwe chete nebenzi.+
17 Ndakavenga upenyu,+ nokuti semaonero angu, basa rakaitwa pasi pezuva rakanga richitambudza kwazvo,+ nokuti zvose zvakanga zvisina zvazvinobatsira uye kuri kudzingana nemhepo.+
18 Ini, iyeni, ndakavenga basa rangu rose rakaoma randaishanda zvakaoma pasi pezuva,+ randaizosiyira munhu aizonditevera.+
19 Ndiani anoziva kana iye achizova akachenjera kana kuti benzi?+ Asi achava nesimba pamusoro pebasa rangu rose rakaoma randakashanda zvakaoma uye randakaratidza pariri kuti ndakachenjera pasi pezuva.+ Izviwo hazvina zvazvinobatsira.
20 Ini ndakatendeuka kuti ndirase tariro+ yangu pamusoro pebasa rakaoma rose randakanga ndashanda zvakaoma pasi pezuva.
21 Nokuti pane munhu ave achiita basa rakaoma nouchenjeri, nezivo, uye noumhizha,+ asi munhu asina kushandira chinhu ichocho zvakaoma achapiwa mugove wake.+ Izviwo hazvina zvazvinobatsira uye idambudziko guru.+
22 Nokuti munhu anowanei pabasa rake rose rakaoma uye pakushingaira kwomwoyo wake kwaanoshanda nakwo zvakaoma pasi pezuva?+
23 Nokuti mazuva ake ose basa rake rinoreva marwadzo nenhamo,+ uyewo mwoyo wake haurari pasi usiku.+ Izviwo hazvina zvazvinobatsira.
24 Kumunhu hapana chinhu chiri nani kupfuura kuti adye, anwe, aite kuti mweya wake ufadzwe nezvakanaka pabasa rake rakaoma.+ Izviwo ndakazviona, iyeni, kuti zvinobva paruoko rwaMwari wechokwadi.+
25 Nokuti ndiani anodya+ nokunwa kupfuura zvandinoita?+
26 Nokuti iye akapa munhu akanaka ari pamberi pake+ uchenjeri nezivo nokufara,+ asi mutadzi akamupa basa rokuunganidza nokututa kuti anopa munhu akanaka pamberi paMwari wechokwadi.+ Izviwo hazvina zvazvinobatsira uye kudzingana nemhepo.+