Muparidzi 9:1-18
9 Nokuti ndakafungisisa zvose izvi nomwoyo wangu, ndikaongorora zvose izvi,+ kuti vakarurama nevakachenjera nemabasa avo vari muruoko rwaMwari wechokwadi.+ Vanhu havazivi rudo rwose kana ruvengo rwose zvaivapo ivo vasati vavapo.+
2 Vose vakafanana pazvinhu zvavainazvo vose.+ Munhu akarurama+ nomunhu akaipa,+ akanaka uye akachena neasina kuchena, uya anobayira zvibayiro neasingabayiri zvibayiro, vose vanoguma zvakafanana.+ Munhu akanaka akangofanana nomutadzi;+ anopika akangofanana nomunhu ave achitya kupika.+
3 Izvi ndizvo zvinotambudza pane zvose zvakaitwa pasi pezuva, kuti, nokuti vose vanoguma zvakafanana,+ mwoyo yevanakomana vevanhu yakazarawo nezvakaipa;+ uye mumwoyo mavo mune upengo+ muupenyu hwavo hwose, uye pashure pacho—vachaenda kune vakafa!+
4 Munhu wose ari pakati pevapenyu ane chivimbo, nokuti imbwa mhenyu+ iri nani pane shumba yakafa.+
5 Nokuti vapenyu vanoziva kuti vachazofa;+ asi vakafa havana kana chavanoziva,+ havasisina kana mubayiro, nokuti zvose zvingayeukwa nezvavo zvakanganwika.+
6 Uyewo, rudo rwavo nokuvenga kwavo negodo ravo zvakatoparara,+ havasisinazve mugove nokusingagumi pazvose zvinofanira kuitwa pasi pezuva.+
7 Enda, udye zvokudya zvako uchifara, unwe waini yako nomwoyo unofara,+ nokuti Mwari wechokwadi akatofarira mabasa ako.+
8 Nguo dzako ngadzive dzakachena nguva dzose,+ uye mafuta ngaarege kushayikwa pamusoro wako.+
9 Fadzwa noupenyu nomudzimai waunoda+ mazuva ose oupenyu hwako husingabatsiri uhwo Iye akakupa pasi pezuva, mazuva ose okusabatsira kwako, nokuti ndiwo mugove wako muupenyu+ uye mubasa rako rakaoma raunoshanda zvakaoma pasi pezuva.
10 Zvose zvinowana ruoko rwako kuti ruite, zviite nesimba rako rose,+ nokuti muSheori,+ iyo nzvimbo yauri kuenda,+ hamuna basa kana kuronga mazano kana zivo+ kana uchenjeri.+
11 Ndakafungazve kuti ndione pasi pezuva kuti vanomhanya kwazvo havasi ivo vanokunda panhangemutange,+ vane simba havasi ivo vanokunda muhondo,+ vakachenjera havasi ivo vane zvokudya,+ uyewo vanonzwisisa havasi ivo vane pfuma,+ kunyange vaya vane zivo havasi ivo vanofarirwa;+ nokuti vose vanowirwa nenguva nezviitiko zvisingafanoonekwi.+
12 Nokuti munhu+ haaziviwo nguva yake.+ Sehove dzinobatwa mumambure akaipa,+ uye seshiri dzinobatwa nechiteyeso,+ saizvozvo vanakomana vevanhu vanoteyiwa panguva yokutambudzika,+ painongoerekana yavawira.+
13 Ndakaonawo izvi pamusoro pouchenjeri pasi pezuva—uye kwandiri hwakanga hwakakura:
14 Paiva neguta duku, uye vanhu vaiva mukati maro vakanga vari vashoma; mumwe mambo mukuru akauya kwariri, akarikomberedza uye akarivakira masvingo okurirwisa.+
15 Zvino mariri maiva nomurume aiva murombo asi akachenjera, uye iyeye akapukunyutsa guta racho nouchenjeri hwake.+ Asi hapana munhu akayeuka murombo iyeye.+
16 Ini ndakati: “Uchenjeri huri nani kupfuura kuva nesimba;+ asi uchenjeri hwomurombo hunozvidzwa, uye mashoko ake haateererwi.”+
17 Mashoko evakachenjera anotaurwa murunyararo anonzwiwa+ kupfuura kushevedzera kwomunhu anotonga mapenzi.+
18 Uchenjeri huri nani kupfuura zvombo zvokurwa, uye mutadzi mumwe chete anogona kuparadza zvinhu zvizhinji zvakanaka.+