Nehemiya 7:1-73
7 Zvino rusvingo parwakanga rwangopera kuvakwazve,+ ndakabva ndamisa masuo acho.+ Vachengeti vemagedhi+ nevaimbi+ nevaRevhi+ vakabva vagadzwa.
2 Ndakaita kuti Hananai+ hama yangu naHananiya muchinda weNhare+ vatarisire Jerusarema, nokuti iye akanga ari munhu akavimbika kwazvo+ uye aitya+ Mwari wechokwadi kupfuura vamwe vakawanda.
3 Naizvozvo ndakati kwavari: “Magedhi+ eJerusarema ngaarege kuvhurwa kusvikira zuva rapisa; uye pavanenge vakamira pedyo ngavavhare masuo acho vaakiye.+ Misai varindi vevagari vomuJerusarema, mumwe nomumwe panzvimbo yake yokurindira uye mumwe nomumwe pakatarisana neimba yake.”+
4 Zvino guta racho rakanga rakafara riri guru, uye mukati maro maingova nevanhu vashomanana,+ uye makanga musina dzimba dzakavakwa.
5 Asi Mwari wangu akazviisa mumwoyo mangu+ kuti ndiunganidze vanokudzwa nevatevedzeri vevatongi nevanhu vacho kuti vanyorwe maererano nemadzinza avo.+ Ndakabva ndawana bhuku rakanyorwa madzinza+ evaya vakauya pakutanga, ndikawana makanyorwa kuti:
6 Ava ndivo vanakomana vedunhu racho,+ vakauya vachibva pakutapwa+ kwevanhu vakanga vatapwa, avo Nebhukadhinezari+ mambo weBhabhironi akanga atapa,+ vakazodzoka kuJerusarema nokuJudha, mumwe nomumwe kuguta rake;+
7 vaya vakauya naZerubhabheri,+ Jeshua,+ Nehemiya, Azariya, Raamiya, Nahamani, Modhekai,+ Bhirishani, Mispereti, Bhigvhai, Nehumi, Bhaana.
Kuwanda kwevarume vevanhu vaIsraeri ndouku:
8 Vanakomana vaParoshi,+ zviuru zviviri nezana nemakumi manomwe nevaviri;
9 vanakomana vaShefatiya,+ mazana matatu nemakumi manomwe nevaviri;
10 vanakomana vaAraa,+ mazana matanhatu nemakumi mashanu nevaviri;
11 vanakomana vaPahati-moabhi,+ vevanakomana vaJeshua naJoabhi,+ zviuru zviviri nemazana masere negumi nevasere;
12 vanakomana vaEramu,+ chiuru nemazana maviri nemakumi mashanu nevana;
13 vanakomana vaZatu,+ mazana masere nemakumi mana nevashanu;
14 vanakomana vaZakai,+ mazana manomwe nemakumi matanhatu;
15 vanakomana vaBhinui,+ mazana matanhatu nemakumi mana nevasere;
16 vanakomana vaBhebhai,+ mazana matanhatu nemakumi maviri nevasere;
17 vanakomana vaAzgadhi,+ zviuru zviviri nemazana matatu nemakumi maviri nevaviri;
18 vanakomana vaAdhonikamu,+ mazana matanhatu nemakumi matanhatu nevanomwe;
19 vanakomana vaBhigvhai,+ zviuru zviviri nemakumi matanhatu nevanomwe;
20 vanakomana vaAdhini,+ mazana matanhatu nemakumi mashanu nevashanu;
21 vanakomana vaAteri,+ waHezekiya, makumi mapfumbamwe nevasere;
22 vanakomana vaHashumu,+ mazana matatu nemakumi maviri nevasere;
23 vanakomana vaBhezai,+ mazana matatu nemakumi maviri nevana;
24 vanakomana vaHarifi,+ zana negumi nevaviri;
25 vanakomana vokuGibhiyoni,+ makumi mapfumbamwe nevashanu;
26 varume vokuBhetrehema+ neNetofa,+ zana nemakumi masere nevasere;
27 varume vokuAnatoti,+ zana nemakumi maviri nevasere;
28 varume vokuBheti-azmavheti,+ makumi mana nevaviri;
29 varume vokuKiriyati-jearimu,+ Kefira+ neBheeroti,+ mazana manomwe nemakumi mana nevatatu;
30 varume vokuRama+ neGebha,+ mazana matanhatu nemakumi maviri nomumwe chete;
31 varume vokuMikmasi,+ zana nemakumi maviri nevaviri;
32 varume vokuBheteri+ neAi,+ zana nemakumi maviri nevatatu;
33 varume vokune rimwe Nebho,+ makumi mashanu nevaviri;
34 vanakomana vomumwe Eramu,+ chiuru nemazana maviri nemakumi mashanu nevana;
35 vanakomana vaHarimu,+ mazana matatu nemakumi maviri;
36 vanakomana vokuJeriko,+ mazana matatu nemakumi mana nevashanu;
37 vanakomana vokuRodhi,+ Hadhidhi+ neOno,+ mazana manomwe nemakumi maviri nomumwe chete;
38 vanakomana vokuSenaa,+ zviuru zvitatu nemazana mapfumbamwe nemakumi matatu.
39 Vapristi vaiva: Vanakomana vaJedhaya+ veimba yaJeshua, vaiva mazana mapfumbamwe nemakumi manomwe nevatatu;
40 vanakomana vaImeri,+ vaiva chiuru nemakumi mashanu nevaviri;
41 vanakomana vaPashuri,+ vaiva chiuru nemazana maviri nemakumi mana nevanomwe;
42 vanakomana vaHarimu,+ vaiva chiuru negumi nevanomwe.
43 VaRevhi vaiva: Vanakomana vaJeshua, waKadmieri,+ wevanakomana vaHodhevha,+ vaiva makumi manomwe nevana.
44 Vaimbi,+ vanakomana vaAsafi,+ vaiva zana nemakumi mana nevasere.
45 Vachengeti vemagedhi,+ vanakomana vaSharumu,+ vanakomana vaAteri, vanakomana vaTarimoni,+ vanakomana vaAkubhu,+ vanakomana vaHatita, vanakomana vaShobhai,+ vaiva zana nemakumi matatu nevasere.
46 VaNetinimu vaiva:+ Vanakomana vaZiha, vanakomana vaHasufa, vanakomana vaTabhaoti,+
47 vanakomana vaKerosi, vanakomana vaSia, vanakomana vaPadhoni,+
48 vanakomana vaRebhana, vanakomana vaHagabha,+ vanakomana vaSarimai,
49 vanakomana vaHanani,+ vanakomana vaGidheri, vanakomana vaGahari,
50 vanakomana vaReaya,+ vanakomana vaRezini,+ vanakomana vaNekodha,
51 vanakomana vaGazamu, vanakomana vaAza, vanakomana vaPaseya,
52 vanakomana vaBhesai,+ vanakomana vaMeunimu, vanakomana vaNefushesimu,+
53 vanakomana vaBhakbhuki, vanakomana vaHakufa, vanakomana vaHahuri,+
54 vanakomana vaBhazriti, vanakomana vaMehidha, vanakomana vaHasha,+
55 vanakomana vaBhakosi, vanakomana vaSisera, vanakomana vaTema,+
56 vanakomana vaNeziya, vanakomana vaHatifa.+
57 Vanakomana vevashandi vaSoromoni vaiva:+ Vanakomana vaSotai, vanakomana vaSofereti, vanakomana vaPeridha,+
58 vanakomana vaJaara, vanakomana vaDhakoni, vanakomana vaGidheri,+
59 vanakomana vaShefatiya, vanakomana vaHatiri, vanakomana vaPokereti-hazebhaimu, vanakomana vaAmone.+
60 VaNetinimu+ vose nevanakomana vevashandi vaSoromoni vaiva mazana matatu nemakumi mapfumbamwe nevaviri.
61 Ava ndivo vakabva kuTeri-mera, Teri-hasha, Kerubhi, Adhoni neImeri,+ asi vaisakwanisa kutaura imba yemadzibaba avo nokwavakabva, kana vaiva vaIsraeri:
62 vanakomana vaDheraya, vanakomana vaTobhiya, vanakomana vaNekodha,+ vaiva mazana matanhatu nemakumi mana nevaviri.
63 Vevapristi vaiva:+ vanakomana vaHabhaya, vanakomana vaHakozi,+ vanakomana vaBhazirai,+ uyo akatora mudzimai pavanasikana vaBhazirai+ muGiriyedhi akazoshevedzwa nezita ravo.
64 Ava ndivo vaya vakatsvaka bhuku ravo remazita, kuti varatidze dzinza ravo pachena, asi harina kuwanika,+ zvokuti vakarambidzwa kuva vapristi zvichinzi vakasvibiswa.+
65 Naizvozvo muTishata+ akavataurira kuti vasadya+ zvinhu zvitsvenetsvene kusvikira mupristi ane Urimu+ neTumimu+ amuka.
66 Ungano yose seboka rimwe chete yaiva zviuru makumi mana nezviviri nemazana matatu nemakumi matanhatu,+
67 tisingabatanidzi varandarume vavo+ nevarandasikana vavo, ava vari zviuru zvinomwe nemazana matatu nemakumi matatu nevanomwe;+ uye vakanga vaine vaimbi vechirume+ nevaimbi vechikadzi+ mazana maviri nemakumi mana nevashanu.
68 Mabhiza avo aiva mazana manomwe nemakumi matatu nematanhatu, manyurusi avo aiva mazana maviri nemakumi mana nemashanu.+
69 Ngamera dzaiva mazana mana nemakumi matatu neshanu. Mbongoro+ dzaiva zviuru zvitanhatu nemazana manomwe nemakumi maviri.+
70 Kwaiva nechikamu chevakuru+ vedzimba dzemadzibaba+ vakapa nokuda kwebasa.+ MuTishata+ akaisa papfuma yacho madrakema endarama chiuru, ndiro makumi mashanu, nguo refu+ dzevapristi mazana mashanu nemakumi matatu.
71 Kwaiva nevamwe vevakuru vedzimba dzemadzibaba vakaisa papfuma yacho madrakema endarama zviuru makumi maviri nemamaina esirivha zviuru zviviri nemazana maviri nokuda kwebasa.+
72 Zvakapiwa nevamwe vanhu vose zvaiva madrakema endarama zviuru makumi maviri nemamaina esirivha zviuru zviviri nenguo refu dzevapristi makumi matanhatu nenomwe.
73 Vapristi+ nevaRevhi nevachengeti vemagedhi nevaimbi+ nevamwe vanhu nevaNetinimu+ nevaIsraeri vose vakagara mumaguta avo.+ Pakasvika mwedzi wechinomwe,+ vanakomana vaIsraeri vakanga vava mumaguta avo.+