Nehemiya 9:1-38
9 Zvino pazuva rechimakumi maviri nemana romwedzi uyu,+ vanakomana vaIsraeri vakaungana vachitsanya+ vakapfeka masaga+ uye vaine guruva.+
2 Vana vaIsraeri vakazvitsaura+ pane vokune dzimwe nyika vose,+ vakamira, vakareurura+ zvivi zvavo+ nokukanganisa kwemadzibaba avo.+
3 Vakabva vasimuka munzvimbo yavo,+ vakaverenga bhuku romutemo+ waJehovha Mwari wavo zvinonzwika kwechikamu chimwe chete pazvikamu zvina+ zvezuva racho; uye chimwe chikamu pazvikamu zvina vaireurura+ nokukotamira Jehovha Mwari wavo.+
4 Zvino Jeshua naBhani, Kadmieri, Shebhaniya, Bhuni, Sherebhiya,+ Bhani naKenanai vakakwira pachikuva+ chevaRevhi, vakashevedzera nenzwi guru+ kuna Jehovha Mwari wavo.
5 VaRevhi, Jeshua naKadmieri, Bhani, Hashabneya, Sherebhiya, Hodhiya, Shebhaniya naPetahiya vakati: “Simukai, rumbidzai+ Jehovha Mwari wenyu narini kusvikira narini.+ Ngavarumbidze zita renyu rinokudzwa,+ rinokudzwa kupfuura kukomborera kwose nokurumbidza.
6 “Ndimi Jehovha moga;+ ndimi makaita matenga,+ iko kumatengatenga, neuto razvo rose,+ nyika+ nezvose zviri mairi,+ makungwa+ nezvose zviri maari;+ uye muri kuzvichengetedza zvose zviri zvipenyu; uye uto+ rokumatenga riri kukukotamirai.
7 Ndimi Jehovha Mwari wechokwadi, makasarudza Abramu,+ mukamubudisa muUri yevaKadheya,+ mukamutumidza kuti Abrahamu.+
8 Makawana mwoyo wake wakatendeka pamberi penyu;+ naizvozvo makaita sungano+ naye kuti mumupe nyika yevaKenani, vaHiti, vaAmori nevaPerizi nevaJebhusi nevaGigashi, kuti muipe vana vake;+ uye makaita zvamakataura, nokuti makarurama.+
9 “Naizvozvo makaona+ kutambudzika kwemadzitateguru edu muIjipiti, mukanzwa+ kuchema kwawo paGungwa Dzvuku.
10 Makabva maitira Farao nevashandi vake vose nevanhu vose vomunyika yake zviratidzo nezvishamiso,+ nokuti maiziva kuti vaizvikudza+ pamberi pavo; uye makazviitira zita+ sezvazvakaita nhasi.
11 Makakamura gungwa+ pamberi pavo, zvokuti vakayambuka nepakati pegungwa nepanyika yakaoma;+ uye makakanda vaivatevera munzvimbo dzakadzika,+ sedombo+ mumvura ine simba.+
12 Makavatungamirira neshongwe yegore masikati,+ uye neshongwe yomoto usiku,+ kuti muvavhenekere+ nzira yavaifanira kufamba nayo.
13 Makaburukira paGomo reSinai+ mukataura navo muri kudenga,+ mukabva mavapa zvamakatonga+ zvakarurama nemitemo yechokwadi,+ mirau yakanaka+ nemirayiro.+
14 Makavazivisa sabata renyu dzvene,+ mukavarayira mirayiro nemirau nomutemo muchishandisa mushumiri wenyu Mosesi.+
15 Makavapa chingwa chakabva kudenga kuti nzara yavo ipere,+ mukavabudisira mvura paibwe kuti nyota yavo ipere,+ uye makati vapinde+ munyika vaiite yavo iyo yamakanga masimudzira ruoko rwenyu muchipikira kuvapa.+
16 “Ivo, iwo madzitateguru edu, vakazvikudza,+ vakaomesa mitsipa yavo,+ uye havana kuteerera mirayiro yenyu.
17 Naizvozvo vakaramba kuteerera,+ uye havana kuyeuka+ mabasa enyu anoshamisa amakavaitira, asi vakaomesa mitsipa yavo,+ vakagadza mukuru+ kuti vadzokere kuuranda hwavo muIjipiti. Asi imi muri Mwari anokanganwira,+ ane nyasha+ neane ngoni,+ anononoka kutsamwa+ uye azere+ nomutsa worudo, uye hamuna kuvasiya.+
18 Chokwadi, pavakanga vazvigadzirira mufananidzo wemhuru wakaumbwa nesimbi yakanyungudutswa+ vakatanga kuti, ‘Uyu ndiye Mwari wako akakubudisa muIjipiti,’+ uye vakaita zvinhu zvikuru zvokusaremekedza,
19 imi, iyemi, nengoni dzenyu huru hamuna kuvasiya+ murenje. Shongwe yegore haina kubva pamusoro pavo masikati kuti ivatungamirire munzira,+ uyewo shongwe yomoto usiku kuti ivavhenekere nzira yavaifanira kufamba nayo.+
20 Makapa mudzimu+ wenyu wakanaka kuti muvaite vakangwara, hamuna kunyima miromo yavo mana yenyu,+ uye makavapa mvura kuitira nyota yavo.+
21 Kwemakore makumi mana+ makavagovera zvokudya murenje. Hapana chavakashaya.+ Nguo dzavo hadzina kusakara,+ netsoka dzavo hadzina kuzvimba.+
22 “Makavapa umambo+ nemarudzi, nokuvaganhurira-ganhurira;+ zvokuti vakaita kuti nyika yaSihoni+ ive yavo, iyo nyika yamambo weHeshbhoni,+ nenyika yaOgi+ mambo weBhashani.+
23 Makaita kuti vanakomana vavo vawande senyeredzi dzokumatenga.+ Makabva mavaunza munyika+ yamakanga mapikira madzitateguru+ avo kuti vapinde vaiite yavo.
24 Naizvozvo vanakomana+ vavo vakapinda, vakaita kuti nyika yacho ive yavo,+ mukakunda+ vagari vomunyika yacho pamberi pavo, ivo vaKenani,+ mukavaisa muruoko rwavo, iwo madzimambo avo+ maererano nemarudzi enyika yacho,+ kuti vavaitire sezvavaida.+
25 Vakatora maguta akavakirirwa+ nenyika yakaorera,+ vakaita kuti dzimba dzakazara nezvinhu zvose zvakanaka dzive dzavo,+ migodhi yemvura yakacherwa,+ minda yemizambiringa neminda yemiorivhi+ nemiti yezvokudya mizhinji, vakatanga kudya, vakaguta,+ vakakora,+ vakafara nokuda kwokunaka kwenyu kukuru.+
26 “Asi havana kuteerera,+ vakakupandukirai+ vakaramba vachirasira mutemo wenyu shure kwavo,+ vakauraya vaprofita venyu,+ avo vakavapupurira kuti vavadzose kwamuri;+ uye vakaita mabasa okusaremekedza zvikuru.+
27 Nokuda kwaizvozvi makavaisa muruoko rwevavengi vavo,+ avo vakaramba vachivatambudza;+ asi munguva yokutambudzika kwavo vaichema kwamuri,+ imi maivanzwa muri kumatenga chaiko;+ uye maererano nengoni dzenyu zhinji+ maivapa vaponesi+ vaivaponesa paruoko rwevavengi vavo.+
28 “Asi pavainge vangozorora, vaibva vaitazve zvakaipa pamberi penyu,+ uye maivasiya muruoko rwevavengi vavo, avo vaivatsika-tsika.+ Vaibva vadzoka voshevedzera kwamuri kuti vabatsirwe,+ uye imi maivanzwa muri kumatenga chaiko+ movanunura mavanunurazve,+ maererano nengoni dzenyu zhinji.
29 Kunyange maivapupurira+ kuti muvadzose kumutemo wenyu,+ ivo vakatozvikudza+ vakasateerera mirayiro yenyu; uye vakatadzira+ zvamakatonga,+ izvo zvinoti, kana munhu achizviita, zvinomuraramisawo.+ Vakaramba vakasindimara,+ vakaomesa mitsipa yavo,+ uye havana kuteerera.+
30 Asi makavanzwira tsitsi kwemakore mazhinji,+ mukaramba muchivapupurira+ nomudzimu wenyu muchishandisa vaprofita venyu, asi havana kuteerera.+ Makazovaisa muruoko rwemarudzi enyika dzacho.+
31 Asi nengoni dzenyu zhinji hamuna kuvaparadza+ kana kuvasiya;+ nokuti muri Mwari ane nyasha+ uye ane ngoni.+
32 “Zvino, haiwa Mwari wedu, Mwari mukuru,+ ane simba+ neanotyisa,+ anochengeta sungano+ nokuva nomutsa worudo,+ musarega kutambudzika kwose kwakatiwana,+ isu nemadzimambo+ edu nemachinda+ edu nevapristi+ vedu nevaprofita+ vedu nemadzitateguru+ edu nevanhu venyu vose kubvira pamazuva emadzimambo eAsiriya kusvikira nhasi,+ kuchioneka sokuduku pamberi penyu.+
33 Makarurama+ pazvose zvauya patiri, nokuti makaita nokutendeka,+ asi isu tisu takaita zvakaipa.+
34 Kana ari madzimambo edu, machinda edu, vapristi vedu nemadzitateguru edu,+ havana kuchengeta mutemo wenyu,+ kana kuteerera mirayiro yenyu+ kana zvipupuriro zvenyu zvamakavapupurira+ nazvo.
35 Ivo—muumambo+ hwavo nepakati pezvinhu zvenyu zvakanaka zvizhinji+ zvamakavapa, munyika yakafara, yakaorera+ yamakavawanisa, havana kukushumirai+ uye havana kutendeuka pamabasa avo akaipa.+
36 Tarirai! Nhasi tiri varanda;+ uye kana iri nyika yamakapa madzitateguru edu kuti vadye zvibereko zvayo nezvinhu zvayo zvakanaka, tarirai! tiri varanda pairi,+
37 uye zvibereko zvayo zviri kuwandira+ madzimambo+ amakaisa patiri nokuda kwezvivi+ zvedu, uye ari kutonga miviri yedu nezvipfuwo zvedu, maererano nezvaanoda, uye tiri kutambudzika kwazvo.+
38 “Naizvozvo nokuda kweizvi zvose tiri kuita chibvumirano+ chakavimbika, chakanyorwa uye chakasimbiswa nechisimbiso+ chemachinda edu, vaRevhi vedu nevapristi vedu.”+