Numeri 13:1-33
13 Zvino Jehovha akataura naMosesi, achiti:
2 “Tuma varume kuti vanosora nyika yeKenani, yandichapa vanakomana vaIsraeri.+ Utume murume mumwe wedzinza rimwe nerimwe reimba yemadzibaba ake, mumwe nomumwe ari jinda+ pakati pavo.”
3 Naizvozvo Mosesi akavatuma kubva kurenje reParani+ arayirwa naJehovha. Varume vacho vose vaiva vakuru vevanakomana vaIsraeri.
4 Aya ndiwo mazita avo: Wedzinza raRubheni, Shamua mwanakomana waZakuri;
5 wedzinza raSimiyoni, Shafati mwanakomana waHori;
6 wedzinza raJudha, Karebhi+ mwanakomana waJefune;
7 wedzinza raIsakari, Igari mwanakomana waJosefa;
8 wedzinza raEfremu, Hoshea+ mwanakomana waNuni;
9 wedzinza raBhenjamini, Pariti mwanakomana waRafu;
10 wedzinza raZebhuruni, Gadhieri mwanakomana waSodhi;
11 wedzinza raJosefa,+ nokuda kwedzinza raManase,+ Gadhi mwanakomana waSusi;
12 wedzinza raDhani, Amieri mwanakomana waGemari;
13 wedzinza raAsheri, Seturi mwanakomana waMikaeri;
14 wedzinza raNaftari, Nabhi mwanakomana waVhofisi;
15 wedzinza raGadhi, Geueri mwanakomana waMaki.
16 Aya ndiwo mazita evarume vakatumwa naMosesi kuti vanosora nyika yacho. Mosesi akaramba achishevedza Hoshea, mwanakomana waNuni kuti Jehoshua.+
17 Mosesi paakanga achivatuma kuti vanosora nyika yeKenani, iye akati kwavari: “Endai neapa mupinde muNegebhu,+ mukwire munzvimbo ine makomo.+
18 Munofanira kuona kuti nyika yacho yakadini+ nevanhu vagere imomo, kana vaine simba kana vasina simba, kana vari vashoma kana vazhinji;
19 uye kuti nyika yavagere mairi yakadini, kana yakanaka kana yakaipa, uye kuti maguta avagere maari akadini, kana vagere mumisasa kana mukati memasvingo;
20 kuti nyika yacho yakadini, kana yakaorera kana isina kuorera,+ kana iine miti kana kuti kwete. Munofanira kuva vakashinga,+ mutore zvimwe zvibereko zvenyika yacho.” Zvino mazuva acho aiva mazuva emichero yaitanga kuibva yemazambiringa.+
21 Naizvozvo vakaenda, vakanosora nyika yacho kubvira kurenje reZini+ kusvikira kuRehobhu+ iri nechokumuganhu weHamati.+
22 Pavakapinda muNegebhu,+ vakabva vasvika kuHebroni.+ Zvino Ahimani, Sheshai naTarimai,+ vaya vakaberekwa naAnaki,+ vaiva imomo. Sezvineiwo Hebroni+ rakanga ravakwa makore manomwe Zoani+ reIjipiti risati ravakwa.
23 Pavakasvika kumupata une rukova weEshkori,+ vakabva vatema bazi raiva nesumbu remazambiringa ipapo.+ Varume vaviri vakaritakura nedanda, pamwe chete nemamwe mapomegraneti+ nemamwe maonde.
24 Vakatumidza nzvimbo iyoyo kuti mupata une rukova weEshkori,+ nokuda kwesumbu rakatemwa ipapo nevanakomana vaIsraeri.
25 Kuzoti mazuva makumi mana apera,+ vakadzoka vachibva kunosora nyika.
26 Naizvozvo vakafamba, vakasvika kwaiva naMosesi naAroni neungano yose yevanakomana vaIsraeri murenje reParani, kuKadheshi.+ Vakadzoka neshoko kwavari nokuungano yose, vakavaratidza zvibereko zvenyika yacho.
27 Vakamuudza kuti: “Takapinda munyika yamakatituma, chokwadi inoyerera mukaka nouchi,+ izvi ndizvo zvibereko zvayo.+
28 Asi chokwadi ndechokuti vanhu vanogara munyika yacho vane simba, uye maguta acho akavakirirwa makuru kwazvo;+ uye ikoko takaonawo vaya vakaberekwa naAnaki.+
29 VaAmareki+ vagere munyika yeNegebhu,+ vaHiti nevaJebhusi+ nevaAmori+ vagere munzvimbo ine makomo, uye vaKenani+ vagere pedyo negungwa uye pedyo nokurutivi rwuno rwaJodhani.”
30 Karebhi+ akabva aedza kunyaradza vanhu pamberi paMosesi, akati: “Ngatibve taenda, tinofanira kuitora kuti ive yedu, nokuti chokwadi tinogona kuikunda.”+
31 Asi varume vakaenda naye vakati: “Hatigoni kuenda kuti tinorwisa vanhu vacho, nokuti vane simba kutipfuura.”+
32 Vakaramba vachiunza mashoko akaipa+ kuvanakomana vaIsraeri pamusoro penyika yavakanga vanosora, vachiti: “Nyika yacho, yatakapfuura nomairi kuti tiisore, inyika inoparadza vanogara mairi; uye vanhu vose vatakaona mairi varume vakanyanyisa kukura.+
33 Takaona vaNefirimu ikoko, vanakomana vaAnaki,+ vakabva kuvaNefirimu; zvokuti takazviona sehwiza, uye ivo vakationawo saizvozvo.”+