Numeri 21:1-35
21 Zvino muKenani, mambo weAradhi,+ aigara muNegebhu,+ akanzwa kuti vaIsraeri vakanga vauya nenzira yokuAtarimu, uye akatanga kurwa nevaIsraeri, akatapa vamwe vavo.
2 Naizvozvo Israeri akapika kuna Jehovha, akati:+ “Chokwadi kana mukaisa vanhu ava muruoko rwangu, ndichaparadzawo chose maguta avo.”+
3 Naizvozvo Jehovha akateerera inzwi raIsraeri akavapa vaKenani; uye vakavaparadza chose, ivo nemaguta avo. Nokudaro vakatumidza nzvimbo yacho kuti Homa.+
4 Zvavakaramba vachifamba vachibva paGomo reHori+ vachienda nenzira yokuGungwa Dzvuku kuti vapoterere nyika yeEdhomu,+ mweya yevanhu yakatanga kuneta nokuda kwenzira yacho.
5 Vanhu vakaramba vachipopotera Mwari+ naMosesi,+ vachiti: “Makatibudisirei muIjipiti kuti tifire murenje?+ Nokuti hamuna chingwa uye hamuna mvura,+ mweya yedu yava kusema chingwa ichi chinosembura.”+
6 Naizvozvo Jehovha akatuma nyoka dzine uturu+ pakati pevanhu, uye dzakaramba dzichiruma vanhu vacho, zvokuti vanhu vaIsraeri vazhinji vakafa.+
7 Vanhu vakazouya kuna Mosesi, vakati: “Tatadza,+ nokuti tapopotera Jehovha uye imi. Tirevererei kuna Jehovha kuti abvise nyoka patiri.”+ Mosesi akareverera vanhu vacho.+
8 Jehovha akabva ati kuna Mosesi: “Gadzira nyoka yakaita somoto uiise padanda rechiratidzo. Zvino kana munhu akarumwa, ngaabve aitarira, arambe ari mupenyu.”+
9 Mosesi akabva agadzira nyoka yemhangura,+ akaiisa padanda rechiratidzo;+ zvino zvaiti kana nyoka ikange yaruma munhu, iye akatarira+ nyoka yemhangura, aibva aramba ari mupenyu.+
10 Pashure paizvozvo vanakomana vaIsraeri vakatama, vakanodzika musasa kuObhoti.+
11 Vakabva vatama paObhoti vakanodzika musasa kuIye-abharimu,+ murenje riri nechepakatarisana neMoabhi, nechokumabvazuva.
12 Vakatama ipapo vakanodzika musasa pedyo nomupata une rukova weZeredhi.+
13 Vakatama ipapo vakanodzika musasa munzvimbo yeAnoni,+ iri murenje rinobvira pamuganhu wevaAmori; nokuti Anoni ndiwo waiva muganhu weMoabhi, pakati peMoabhi nevaAmori.
14 Ndokusaka mubhuku reHondo dzaJehovha zvichinzi:
“Vhahebhu yaiva muSufa uye mipata ine hova yeAnoni,
15 nepanosangana mipata ine hova, pakarerekera kuchigaro cheAri+ uye pakasendamira kumuganhu weMoabhi.”
16 Vakabva ipapo vakaenda kuBheeri.+ Iri ndiro tsime rakanzi naJehovha kuna Mosesi: “Unganidza vanhu kuti ndivape mvura.”+
17 Panguva iyoyo Israeri akaimba rwiyo urwu:+“Haiwa iwe tsime, tubuka! Riimbirei imi vanhu!
18 Tsime, rakacherwa nemachinda. Rakacherwa nevanokudzwa vevanhu,Nomudonzvo womutungamiriri,+ nemidonzvo yavo.”
Vachibva murenje vakaenda kuMatana.
19 Vachibva kuMatana vakaenda kuNaharieri, uye vachibva kuNaharieri vakaenda kuBhamoti.+
20 Vachibva kuBhamoti vakaenda kumupata uri munyika yeMoabhi,+ kumusoro kwePisga,+ uye kunobudikira kunzvimbo yakatarisana neJeshimoni.+
21 Zvino Israeri akatuma nhume kuna Sihoni,+ mambo wevaAmori, achiti:
22 “Ndibvumireiwo kupfuura nomunyika yenyu. Hatizotsaukiri mumunda kana mumunda wemizambiringa. Hatizonwi mvura yomutsime. Tichafamba nomugwagwa wamambo kusvikira tapfuura munharaunda yenyu.”+
23 Zvino Sihoni haana kubvumira Israeri kupfuura nomunharaunda yake,+ asi Sihoni akaunganidza vanhu vake vose, akaenda kunosangana naIsraeri murenje, akasvika kuJahazi,+ akatanga kurwa naIsraeri.
24 Israeri akamuuraya nomuromo webakatwa,+ akatora nyika yake+ kubvira kuAnoni+ kusvikira kuJabhoki,+ pedyo nevanakomana vaAmoni; nokuti Jazeri+ ndiro muganhu wevanakomana vaAmoni.+
25 Naizvozvo Israeri akatora maguta aya ose, uye Israeri akatanga kugara mumaguta ose evaAmori,+ muHeshbhoni+ nomumataundi ose aiva pasi paro.
26 Nokuti Heshbhoni raiva guta raSihoni.+ Ndiye aiva mambo wevaAmori,+ uye ndiye akamborwa namambo weMoabhi, akatora nyika yake yose muruoko rwake kusvikira kuAnoni.+
27 Ndokusaka vaitaura mashoko okunyomba vaizoti:
“Uyai kuHeshbhoni.Guta raSihoni ngarivakwe uye rimiswe zvakasimba.
28 Nokuti moto wakabuda muHeshbhoni,+ murazvo wakabuda mutaundi raSihoni.Wakaparadza Ari+ reMoabhi, varidzi venzvimbo dzakakwirira dzeAnoni.
29 Une nhamo, iwe Moabhi! Muchaparara, haiwa imi vanhu vaKemoshi!+Achaita kuti vanakomana vake vave sevaya vakapukunyuka uye vanasikana vake vatapwe namambo wevaAmori, Sihoni.
30 Naizvozvo ngativapfurei.Heshbhoni richaparara kusvikira kuDibhoni,+Uye vakadzi kusvikira kuNofa, varume kusvikira kuMedhebha.”+
31 Zvino Israeri akatanga kugara munyika yevaAmori.+
32 Mosesi akabva atuma vamwe kunosora Jazeri.+ Naizvozvo vakatora mataundi aiva pasi paro, vakadzinga vaAmori vaiva imomo.+
33 Pashure paizvozvo vakadzoka, vakaenda nenzira yokuBhashani.+ Ogi+ mambo weBhashani akauya kuzosangana navo, iye nevanhu vake vose, kuhondo yeEdrei.+
34 Zvino Jehovha akati kuna Mosesi: “Usamutya,+ nokuti ndichamuisa muruoko rwako, iye nevanhu vake vose nenyika yake;+ umuitire sezvawakaitira Sihoni, mambo wevaAmori aigara muHeshbhoni.”+
35 Naizvozvo vakamuuraya iye nevanakomana vake nevanhu vake vose, kusvikira asisina kana akapona;+ uye vakatora nyika yake.+