Numeri 25:1-18
25 Zvino Israeri akanga achigara muShitimu.+ Vanhu vakabva vatanga kuita unzenza nevanasikana veMoabhi.+
2 Vakadzi vacho vaiuya vachishevedza vanhu kuti vauye kuzvibayiro zvavanamwari vavo,+ uye vanhu vacho vakadya, vakakotamira vanamwari vavo.+
3 Naizvozvo Israeri akazvibatanidza naBhaari wePeori;+ uye Jehovha akatsamwira Israeri kwazvo.+
4 Nokudaro Jehovha akati kuna Mosesi: “Tora vakuru vose vevanhu, uise mitumbi yavo pachena, pamberi paJehovha,+ pane zuva, kuti kutsamwa kukuru kwaJehovha kubve pana Israeri.”
5 Mosesi akabva ati kuvatongi vaIsraeri:+ “Mumwe nomumwe wenyu ngaauraye+ varume vokwake vakabatana naBhaari wePeori.”
6 Asi, tarira! mumwe murume+ wevanakomana vaIsraeri akasvika, uye akanga achiuya nomumwe mukadzi wechiMidhiyani+ pedyo nehama dzake, Mosesi achizviona uye ungano yose yevanakomana vaIsraeri ichizviona, pavakanga vachichema vari pasuo retende rokusanganira.
7 Finiyasi+ mwanakomana waEriyezari mwanakomana womupristi Aroni paakazviona, akabva asimuka, akabva pakati peungano, akatora pfumo refu noruoko rwake.
8 Akabva atevera murume waIsraeri mutende reraundi, akabvoora vaviri vacho, murume waIsraeri uye mukadzi wacho nepanhengo dzake dzokubereka nadzo. Denda rakabva raguma pavanakomana vaIsraeri.+
9 Vaya vakafa nedenda racho vakasvika zviuru makumi maviri nezvina.+
10 Zvino Jehovha akataura naMosesi, achiti:
11 “Finiyasi+ mwanakomana waEriyezari mwanakomana womupristi Aroni adzora hasha dzangu+ pavanakomana vaIsraeri nokusamboshivirira kwake vanokwikwidzana neni pakati pavo,+ zvokuti handina kuparadza vana vaIsraeri pakuomerera kwangu pakuti vazvipire zvakazara.+
12 Nokuda kwaizvozvo uti, ‘Tarira ndiri kumupa sungano yangu yorugare.
13 Ichava sungano youpristi nokusingagumi kwaari nevana vake vanomutevera,+ nokuti haana kushivirira vanokwikwidzana naMwari wake,+ uye ayananisira vanakomana vaIsraeri.’”+
14 Sezvineiwo murume wokwaIsraeri akabayiwa akafa, uya akabayiwa akafa pamwe chete nomukadzi wechiMidhiyani ainzi Zimri, mwanakomana waSaru, jinda+ reimba yemadzibaba yevaSimiyoni.
15 Mukadzi wechiMidhiyani akabayiwa akafa ainzi Kozbhi mwanasikana waZuri;+ aiva mukuru wemadzinza eimba yemadzibaba muMidhiyani.+
16 Gare gare Jehovha akataura naMosesi, achiti:
17 “VaMidhiyani ngavanetswe, muvauraye,+
18 nokuti vari kukunetsai nemabasa avo emanomano+ avakakuitirai nemanomano pane zvakaitwa paPeori+ nezvakaitwa naKozbhi+ mwanasikana wejinda reMidhiyani, hanzvadzi yavo yakabayiwa ikafa+ muzuva redenda rakavapo nokuda kwezvakaitika paPeori.”+