Numeri 34:1-29
34 Zvino Jehovha akataurazve naMosesi, achiti:
2 “Rayira vanakomana vaIsraeri, uti kwavari, ‘Muchapinda munyika yeKenani.+ Iyi ndiyo nyika ichaitwa kuti ive yenyu muchiita zvokugara nhaka,+ iyo nyika yeKenani maererano nemiganhu yayo.+
3 “‘Rutivi rwenyu rwokumaodzanyemba ruchava kubvira kurenje reZini kurutivi rweEdhomu,+ uye muganhu wenyu wokumaodzanyemba uchava kubvira kunogumira Gungwa roMunyu+ nechokumabvazuva.
4 Muganhu wenyu unofanira kuchinja kwawakananga uchibva kumaodzanyemba kwomukwidza weAkrabhimu+ woyambukira kuZini, uye uchagumira kumaodzanyemba kweKadheshi-bhaneya;+ uye unofanira kubuda uchienda kuHazari-adhari+ woyambukira kuAzmoni.
5 Muganhu unofanira kuchinja kwawakananga paAzmoni kuti uende kumupata une rukova weIjipiti,+ uye uchagumira kuGungwa.+
6 “‘Muganhu wenyu wokumavirira+ unofanira kuva Gungwa Guru nenyika yepamhenderekedzo. Uyu ndiwo uchava muganhu wenyu wokumavirira.
7 “‘Zvino uyu ndiwo uchava muganhu wenyu wokuchamhembe: Muchatara muganhu wenyu kubvira kuGungwa Guru kusvikira kuGomo reHori.+
8 Muchatara muganhu wacho kubvira kuGomo reHori kusvikira kumuganhu weHamati,+ uye muganhu wacho unofanira kugumira kuZedhadhi.+
9 Muganhu wacho unofanira kubuda uchienda kuZifroni, uye unofanira kugumira kuHazari-enani.+ Uyu ndiwo uchava muganhu wenyu wokuchamhembe.
10 “‘Zvino munofanira kutara muganhu wenyu kumabvazuva kubvira kuHazari-enani kusvikira kuShefamu.
11 Muganhu wacho unofanira kudzika kubva kuShefamu uchienda kuRibra nechokumabvazuva kweAini, uye muganhu wacho unofanira kudzika wonosvika panzvimbo yakatenuka yegungwa reKinereti.+
12 Muganhu wacho unofanira kudzika kuJodhani, uye unofanira kugumira kuGungwa roMunyu.+ Iyi ndiyo ichava nyika yenyu+ maererano nemiganhu yayo iri kumativi ose.’”
13 Naizvozvo Mosesi akarayira vanakomana vaIsraeri, achiti: “Iyi ndiyo nyika yamuchakamurirana kuti ive nhaka yenyu muchishandisa mujenya,+ sezvakarayirwa naJehovha kuti ipiwe madzinza mapfumbamwe nehafu.+
14 Nokuti dzinza revanakomana vevaRubheni maererano neimba yemadzibaba avo nedzinza revanakomana vevaGadhi maererano neimba yemadzibaba avo akatowana nhaka yawo, uye hafu yedzinza raManase yakatowana nhaka yayo.+
15 Madzinza maviri nehafu akatowana nhaka yawo kubvira kunzvimbo yaJodhani iri pedyo neJeriko nechokumabvazuva, kunobuda zuva.”+
16 Jehovha akataurazve naMosesi, achiti:
17 “Aya ndiwo mazita evarume vachakukamurirai nyika yacho kuti ive yenyu, mupristi Eriyezari+ naJoshua mwanakomana waNuni.+
18 Utore jinda rimwe chete padzinza rimwe nerimwe kuti vakamure nyika kuti ive yenyu.+
19 Aya ndiwo mazita evarume vacho: Kudzinza raJudha,+ Karebhi mwanakomana waJefune;+
20 kudzinza revanakomana vaSimiyoni,+ Shemueri mwanakomana waAmihudhi;
21 kudzinza raBhenjamini,+ Eridhadhi mwanakomana waKisroni;
22 kudzinza revanakomana vaDhani,+ jinda rinonzi Bhuki mwanakomana waJogri;
23 kuvanakomana vaJosefa,+ kudzinza revanakomana vaManase,+ jinda rinonzi Hanieri mwanakomana waEfodhi;
24 kudzinza revanakomana vaEfremu,+ jinda rinonzi Kemueri mwanakomana waShiftani;
25 kudzinza revanakomana vaZebhuruni,+ jinda rinonzi Erizafani mwanakomana waPanaki;
26 kudzinza revanakomana vaIsakari,+ jinda rinonzi Paritieri mwanakomana waAzani;
27 kudzinza revanakomana vaAsheri,+ jinda rinonzi Ahihudhi mwanakomana waSheromi;
28 kudzinza revanakomana vaNaftari,+ jinda rinonzi Pedhaheri, mwanakomana waAmihudhi.”
29 Ava ndivo vaya vakarayirwa naJehovha kuti vaite kuti vanakomana vaIsraeri vave varidzi venyika munyika yeKenani.+