Numeri 9:1-23
9 Zvino Jehovha akataura naMosesi murenje reSinai mugore rechipiri vabuda munyika yeIjipiti, mumwedzi wokutanga,+ achiti:
2 “Zvino vanakomana vaIsraeri vanofanira kugadzirira chibayiro chepaseka+ panguva yayo yakatarwa.+
3 Munofanira kuigadzirira panguva yayo yakatarwa pazuva rechigumi nemana mumwedzi uno panguva yorubvunzavaeni.+ Muigadzirire maererano nemirau yayo yose nezvinogara zvichiitwa zvayo zvose.”+
4 Naizvozvo Mosesi akataura nevanakomana vaIsraeri kuti vagadzirire chibayiro chepaseka.
5 Vakabva vagadzirira chibayiro chepaseka mumwedzi wokutanga, pazuva rechigumi nemana romwedzi wacho panguva yorubvunzavaeni, murenje reSinai. Maererano nezvose zvakanga zvarayirwa Mosesi naJehovha, vanakomana vaIsraeri vakaita saizvozvo.+
6 Zvino kwakanga kuine varume vakanga vaitwa vasina kuchena nomweya wakafa+ zvokuti vakanga vasingakwanisi kugadzirira chibayiro chepaseka pazuva iroro. Nokudaro vakauya pamberi paMosesi naAroni pazuva iroro.+
7 Varume vacho vakabva vati kwaari: “Taitwa vasina kuchena nomweya womunhu. Nei tingadziviswa kuuya nechibayiro+ kuna Jehovha panguva yacho yakatarwa tiri pakati pevanakomana vaIsraeri?”
8 Mosesi akati kwavari: “Mirai ipapo, regai ndinzwe zvicharayirwa naJehovha pamusoro penyu.”+
9 Jehovha akabva ataura naMosesi, achiti:
10 “Taura nevanakomana vaIsraeri, uchiti, ‘Kunyange kana munhu chero upi zvake wenyu kana wezvizvarwa zvenyu akaitwa asina kuchena nomweya+ kana kuti akava parwendo rwokure, iyewo anofanira kugadzirira Jehovha chibayiro chepaseka.
11 Vanofanira kuchigadzira mumwedzi wechipiri,+ pazuva rechigumi nemana, panguva yorubvunzavaeni. Vanofanira kuchidya pamwe chete nemakeke asina kuviriswa nemiriwo inovava.+
12 Havafaniri kusiya zvimwe zvacho kusvikira mangwanani,+ uye havafaniri kutyora mapfupa ari machiri.+ Vanofanira kuchigadzira maererano nomurau wose wepaseka.+
13 Asi kana munhu wacho akanga akachena hake kana akanga asiri parwendo uye akanga arega hake kugadzira chibayiro chepaseka, mweya iwoyo unofanira kubva waparadzwa pakati pevanhu vawo,+ nokuti munhu wacho haana kuuya nechinopiwa chaJehovha panguva yacho yakatarwa. Munhu iyeye achazvidavirira chivi chake.+
14 “‘Kana mutorwa achigara nemi, iye anofanirawo kugadzira chibayiro chepaseka chinoitirwa Jehovha.+ Anofanira kuita maererano nomurau wepaseka uye maererano nezvinogara zvichiitwa.+ Ngapave nomurau mumwe chete kwamuri, kumutorwa nokumunhu womunyika yacho.’”+
15 Zvino pazuva rakamiswa tebhenekeri,+ gore rakafukidza tebhenekeri yetende rechiChipupuriro,+ asi manheru chinhu chaioneka somoto+ chakaramba chiri pamusoro petebhenekeri kusvikira mangwanani.
16 Zvairamba zvakaita saizvozvo nguva dzose: Gore raiifukidza masikati, uye chinhu chaioneka somoto chaiifukidza usiku.+
17 Nguva dzose paisimuka gore kubva pamusoro petende, vanakomana vaIsraeri vaibva vatamawo,+ uye panzvimbo paimira gore, ndipo paidzika vanakomana vaIsraeri musasa.+
18 Vanakomana vaIsraeri vaitama sezvairayirwa naJehovha, uye vaidzika musasa sezvairayirwa naJehovha.+ Mazuva ose ayo gore raigara pamusoro petebhenekeri, ivo vairamba vakadzikawo musasa.
19 Gore racho parairamba riri pamusoro petebhenekeri kwemazuva mazhinji, vanakomana vaIsraeri vaichengetawo zvavaisungirwa kuti vaitire Jehovha zvokuti vaisafanira kutama.+
20 Padzimwe nguva gore racho rairamba riri pamusoro petebhenekeri kwemazuva mashomanana. Vairamba vakadzika musasa sezvairayirwa+ naJehovha, uye vaitama sezvairayirwa naJehovha.
21 Gore+ racho padzimwe nguva rairamba riripo kubvira manheru kusvikira mangwanani; uye gore racho raisimuka mangwanani, ivo votama. Angava aiva masikati kana usiku paisimuka gore racho, ivo vaitamawo.+
22 Kana gore racho rairamba riri pamusoro petebhenekeri kwemazuva maviri kana mwedzi kana mazuva mazhinji, rakamira pamusoro payo, vanakomana vaIsraeri vairamba vakadzikawo musasa uye vaisatama, asi paraisimuka ivo vaitamawo.+
23 Vaidzika musasa sezvairayirwa naJehovha, uye vaitama sezvairayirwa naJehovha. Vaichengeta zvavaisungirwa kuti vaitire+ Jehovha sezvairayirwa naJehovha achishandisa Mosesi.+