Revhitiko 12:1-8
12 Zvino Jehovha akataura naMosesi, achiti:
2 “Taura nevanakomana vaIsraeri, uchiti, ‘Kana mukadzi akabata pamuviri,+ obereka mwana mukomana, ngaave asina kuchena kwemazuva manomwe; achava asina kuchena sezvaanoita pamazuva okusachena paanenge ari kumwedzi.+
3 Chikanda chepamberi chomwanakomana chichadzingiswa+ pazuva rechisere.
4 Mukadzi achagara kwemamwe mazuva makumi matatu nematatu achinatswa paropa. Haafaniri kubata chinhu chitsvene chero chipi zvacho, uye haafaniri kupinda munzvimbo tsvene kusvikira mazuva okunatswa kwake apera.+
5 “‘Zvino kana akabereka mwana musikana, anofanira kuva asina kuchena kwemazuva gumi nemana, sezvaanoita kana ari kumwedzi. Achagara kwemamwe mazuva makumi matanhatu nematanhatu achinatswa paropa.
6 Zvino panopera mazuva okunatswa kwake nokuda kwomwanakomana kana kuti nokuda kwomwanasikana, ngaauye kusuo retende rokusanganira, kumupristi, negondohwe duku rine gore rimwe chete kuti rive chinopiwa chinopiswa,+ nehangaiwa duku kana kuti gukutiwa+ kuti rive chinopiwa chechivi.
7 Iye anofanira kuuya nacho pamberi paJehovha omuyananisira, uye anofanira kunatswa pakuyerera kweropa rake.+ Uyu ndiwo mutemo pamusoro paiye anobereka mwana mukomana kana kuti mwana musikana.
8 Asi kana asingagoni kuwana gwai, ngaatore magukutiwa maviri kana kuti hangaiwa mbiri duku,+ imwe kuti ive chinopiwa chinopiswa neimwe yacho kuti ive chinopiwa chechivi, uye mupristi ngaamuyananisire,+ uye iye achava akachena.’”