Ruka 19:1-48
19 Iye akapinda muJeriko+ achipfuura hake.
2 Zvino muno maiva nomumwe murume ainzi Zakeyo; iye akanga ari mukuru mukuru wevateresi, uye akanga akapfuma.
3 Naizvozvo, akanga achida kuona+ kuti uyu anonzi Jesu ndiani, asi aisagona nokuda kweboka revanhu, nokuti akanga ari mupfupi.
4 Naizvozvo akafanomhanya mberi, akakwira mumuonde kuti amuone, nokuti akanga ava kuda kupfuura nenzira iyoyo.
5 Zvino Jesu paakasvika panzvimbo yacho, akatarira mudenga, akati kwaari: “Zakeyo, kurumidza kuburuka, nokuti nhasi ndinofanira kugara mumba mako.”
6 Naizvozvo akakurumidza kuburuka uye akamugamuchira nomufaro somueni.
7 Asi pavakazviona, vose vakatanga kugunun’una+ vachiti: “Aenda kunogara nomutadzi.”
8 Asi Zakeyo akasimuka, akati kunaShe: “Tarirai! Ishe, hafu yezvinhu zvangu, ndichapa varombo, uye zvinhu zvose zvandakabiridzira munhu ndichimupomera zvenhema+ ndichazvidzorera zvava zvina.”+
9 Jesu akati kwaari: “Nhasi ruponeso rwauya mumba muno, nokuti naiyewo mwanakomana waAbrahamu.+
10 Nokuti Mwanakomana womunhu akauya kuzotsvaka nokuzoponesa zvakarasika.”+
11 Pavakanga vachiteerera zvinhu izvi, akataura mufananidzo kuwedzera pane izvi, nokuti akanga ava pedyo neJerusarema uye vakanga vachifunga kuti umambo hwaMwari hwakanga huchizongozviratidza pakarepo.+
12 Naizvozvo iye akati: “Mumwe murume weimba huru akaenda kunyika iri kure kuti anowana simba roumambo ndokuzodzoka hake.+
13 Achishevedza varanda vake gumi akavapa mamaina gumi, akavaudza kuti, ‘Itai bhizimisi kusvikira ndadzoka.’+
14 Asi vagari vomunyika yake vaimuvenga+ uye vakatuma boka revamiririri kuti rimutevere, kunoti, ‘Munhu uyu hatimudi kuti ave mambo wedu.’+
15 “Pakupedzisira paakadzoka awana simba roumambo, akarayira kuti varanda vaya vaakanga apa mari yesirivha vashevedzwe, kuti aone kuti vakanga vawanei pakuita bhizimisi kwavo.+
16 Wokutanga akabva auya, akati, ‘Ishe, maina renyu rakawana mamwe mamaina gumi.’+
17 Naizvozvo iye akati kwaari, ‘Waita zvakanaka, muranda akanaka! Nokuti wakava akatendeka pachinhu chidukuduku, iva nesimba pamusoro pemaguta gumi.’+
18 Zvino wechipiri akauya, achiti, ‘Ishe, maina renyu, rakawana mamwe mamaina mashanu.’+
19 Iye akati kuna iyeyuwo, ‘Newewo, tarisira maguta mashanu.’+
20 Asi mumwe akauya, achiti, ‘Ishe, herino maina renyu, randakachengeta rakasungirwa mujira.
21 Munoonaka, ndaikutyai, nokuti muri munhu ane hasha; munotora zvamusina kuchengetesa uye munokohwa zvamusina kudyara.’+
22 Iye akati kwaari, ‘Ndinokutonga nezvinobva mumuromo mako,+ muranda akaipa. Handiti waiziva hako kuti ndiri munhu ane hasha, kuti ndinotora zvandisina kuchengetesa uye ndinokohwa zvandisina kudyara?+
23 Saka wakaregererei kuisa mari yangu yesirivha mubhengi? Zvino pandaizosvika ndingadai ndaitora yabereka.’+
24 “Naizvozvo akati kune vaya vakanga vamire pedyo, ‘Mutorerei maina racho muripe ane mamaina gumi.’+
25 Asi vakati kwaari, ‘Ishe, iye ane mamaina gumi!’—
26 ‘Ndinoti kwamuri, Munhu wose anazvo, achawedzerwa zvimwe; asi asina achatorerwa kunyange zvaainazvo.+
27 Uyewo, uyai pano nevavengi vangu vaya vakanga vasingadi kuti ndive mambo wavo, muvauraye pamberi pangu.’”+
28 Naizvozvo, pashure pokunge ataura zvinhu izvi, akapfuurira, akakwira kuJerusarema.+
29 Zvino ava pedyo neBhetifage neBhetani pagomo rinonzi Gomo reMiorivhi,+ akatuma vaviri vevadzidzi vake,+
30 achiti: “Pindai mumusha wamuri kuona, uye kana mapinda mauri muchawana mwana wembongoro akasungirirwa, asati ambotasviwa nomunhu. Musunungurei muuye naye.+
31 Asi kana munhu akakubvunzai kuti, ‘Muri kumusunungurirei?’ Mutaure kuti, ‘Ishe anomuda.’”+
32 Naizvozvo vaya vakatumwa vakaenda, vakawana zvakangoita sezvaakavaudza.+
33 Asi pavakanga vachisunungura mwana wembongoro varidzi vacho vakati kwavari: “Muri kusunungurirei mwana wembongoro?”+
34 Ivo vakati: “Ishe anomuda.”+
35 Zvino vakaenda naye kuna Jesu, vakakanda nguo dzavo dzokunze pamwana wacho wembongoro, vakaita kuti Jesu amutasve.+
36 Zvaaifamba+ ivo vakaramba vachiwaridza nguo dzavo dzokunze mumugwagwa.+
37 Paakangosvika pedyo nomugwagwa unobva muGomo reMiorivhi vadzidzi vazhinji vose vakatanga kufara nokurumbidza Mwari nenzwi guru pamusoro pemabasa ose esimba avakanga vaona,+
38 vachiti: “Akakomborerwa Iye anouya saMambo muzita raJehovha!+ Kudenga ngakuve norugare, uye kubwinya kunzvimbo dzokumusorosoro!”+
39 Zvisinei, vamwe vevaFarisi vaiva muboka revanhu vakati kwaari: “Mudzidzisi, tsiurai vadzidzi venyu.”+
40 Asi iye achipindura, akati: “Ndinokuudzai kuti, Kudai ava vaizoramba vakanyarara, matombo+ aizoshevedzera.”
41 Zvino paakasvika pedyo, akaona guta, akasvimha misodzi pamusoro paro,+
42 achiti: “Kudai iwe, iwewe, wanga wanzwisisa+ nhasi zvinhu zvine chokuita norugare—asi zvino zvakavanzirwa maziso ako.+
43 Nokuti mazuva achauya pauri apo vavengi vako vachakupoteredza norusvingo+ rwakavakwa nemapango akapinza+ uye vachakukomberedza+ nokukutambudza+ kumativi ose,
44 uye vachakurovera pasi iwe nevana vako vari mukati mako,+ uye havazosiyi dombo riri pamusoro perimwe dombo+ mauri, nokuti hauna kunzwisisa nguva yokuongororwa kwako.”+
45 Zvino akapinda mutemberi, akatanga kudzingira kunze vaya vakanga vachitengesa,+
46 achiti kwavari: “Zvakanyorwa kuti, ‘Imba yangu ichava imba yokunyengeterera,’+ asi imi maiita bako remakororo.”+
47 Uyezve, akatanga kudzidzisa zuva nezuva mutemberi. Asi vapristi vakuru nevanyori nevakuru vevanhu vaitsvaka kumuparadza;+
48 asi havana kuwana chinhu chinobudirira chokuti vaite, nokuti vanhu vose vakaramba vainaye kuti vamunzwe.+