Ruka 6:1-49
6 Zvino nomusi wesabata akanga achipfuura hake nomuminda yezviyo, vadzidzi vake vakanga vachitanha+ uye vachidya hura dzezviyo, vachidzipukuta nemaoko avo.+
2 Vamwe vevaFarisi vakati: “Muri kuitirei zvisingabvumirwi nomutemo+ pasabata?”+
3 Asi achipindura, Jesu akati kwavari: “Hamuna kumboverenga here zvakaitwa naDhavhidhi+ apo iye nevarume vaaiva navo vakanzwa nzara?+
4 Mapindiro aakaita muimba yaMwari, akagamuchira zvingwa zvokuratidzira,+ akadya, akapa zvimwe varume vaaiva navo, zvisingabvumirwi nomutemo kuti zvidyiwe chero nomunhu upi zvake kunze kwevapristi chete?”+
5 Zvino akaenderera mberi achiti kwavari: “Mwanakomana womunhu ndiye Ishe wesabata.”+
6 Pane rimwe sabata+ akapinda musinagogi, akatanga kudzidzisa. Makanga muine mumwe murume akanga aine ruoko rworudyi rwakakokonyara.+
7 Vanyori nevaFarisi vakanga vakanyatsomutarira+ kuti vaone kana aizorapa pasabata, kuti vawane nzira yakati yokumupomera.+
8 Zvisinei, iye aiziva kufunga kwavo,+ asi akati kumurume aiva noruoko rwakakokonyara: “Simuka umire pakati.” Iye akasimuka akamira.+
9 Jesu akabva ati kwavari: “Ndinokubvunzai, Zvinobvumirwa nomutemo here kuita zvakanaka+ kana kuita zvinokuvadza pasabata, kuponesa kana kuparadza mweya?”+
10 Pashure pokunge atarira-tarira kwavari vose, akati kumurume wacho: “Tambanudza ruoko rwako.” Iye akaita saizvozvo, ruoko rwake rukaporeswa.+
11 Asi vakapenga kwazvo, vakatanga kutaurirana pamusoro pezvavangaita Jesu.+
12 Nemazuva aya iye akaenda mugomo kunonyengetera,+ akaramba achinyengetera kuna Mwari usiku hwose.+
13 Asi pakwakaedza, akashevedza vadzidzi vake, akasarudza vane gumi nevaviri pakati pavo, vaakatumidzawo kuti “vaapostora”:+
14 Simoni, waakatumidzawo kuti Petro,+ naAndreya munun’una wake, naJakobho naJohani,+ naFiripi+ naBhatoromeyo,
15 naMateu naTomasi,+ naJakobho mwanakomana waArifiyosi, naSimoni anonzi “mushingairi,”+
16 naJudhasi mwanakomana waJakobho, naJudhasi Iskariyoti, uya akazova mutengesi.+
17 Zvino akaburuka navo, akamira panzvimbo yakati sandara, ipapo pakanga paine boka guru revadzidzi vake, nevanhu vazhinjizhinji+ vaibva muJudhiya mose neJerusarema nenyika iri pedyo negungwa yeTire neSidhoni, vakauya kuzomunzwa ndokuporeswa zvirwere zvavo.+
18 Kunyange vaya vainetswa nemidzimu isina kuchena vakarapwa.
19 Boka rose revanhu raitsvaka kumubata,+ nokuti simba+ rakanga richibuda maari richivaporesa vose.
20 Zvino akatarira vadzidzi vake, akatanga kuti:+
“Munofara imi varombo,+ nokuti umambo hwaMwari ndohwenyu.
21 “Munofara imi munonzwa nzara+ iye zvino, nokuti muchaguta.+
“Munofara imi munosvimha misodzi iye zvino, nokuti muchaseka.+
22 “Munofara imi pose pamunovengwa+ nevanhu, uye pose pavanokusiyai nokukuzvidzai vachirasa+ zita renyu semakaipa nokuda kwoMwanakomana womunhu.
23 Farai pazuva iroro musvetuke, nokuti, tarirai! mubayiro wenyu mukuru kudenga, nokuti izvozvo ndizvo zvinhu zvaigara zvichiitwa nemadzibaba avo kuvaprofita.+
24 “Asi mune nhamo imi vapfumi,+ nokuti muri kuwana kunyaradzwa kwenyu zvakakwana.+
25 “Mune nhamo imi makaguta iye zvino, nokuti muchava nenzara.+
“Mune nhamo, imi munoseka iye zvino, nokuti muchachema nokusvimha misodzi.+
26 “Mune nhamo, pose apo vanhu vose vanotaura zvakanaka nezvenyu, nokuti zvinhu zvakadai ndizvo zvakaita madzitateguru avo kuvaprofita venhema.+
27 “Asi ini ndinoti kwamuri imi makateerera, Rambai muchida vavengi venyu,+ muchiitira zvakanaka+ vaya vanokuvengai,
28 muchikomborera vaya vanokutukai, muchinyengeterera vaya vanokuzvidzai.+
29 Anokurova padama rimwe,+ mupewo rimwe racho; uye anokutorera+ nguo yako yokunze, usamunyima kunyange nguo yomukati.
30 Ipa munhu wose anokukumbira,+ uye kune uya anokutorera zvinhu zvako usakumbira kuti zvidzorerwe.
31 “Uyewo, zvamunoda kuti vanhu vakuitirei, vaitireiwo saizvozvo.+
32 “Zvino kana muchida vaya vanokudai, zvinokupai kukudzwa kwei? Nokuti kunyange vatadzi vanoda vaya vanovada.+
33 Kana muchiitira zvakanaka vaya vanokuitirai zvakanaka, chokwadi zvinokupai kukudzwa kwei? Kunyange vatadzi vanoitawo izvozvo.+
34 Uyewo, kana mukakweretesa vaya vamunotarisira kugamuchirawo kubva kwavari musingawani mubereko,+ zvinokupai kukudzwa kwei? Kunyange vatadzi vanokweretesa vatadzi vasingawani mubereko kuti vadzorerwewo izvozvo.+
35 Asi, rambai muchida vavengi venyu nokuita zvakanaka nokukweretesa+ musingawani mubereko, musingatarisiri kudzorerwa chimwe chinhu; mubayiro wenyu uchava mukuru, uye muchava vanakomana voWokumusorosoro,+ nokuti iye ane mutsa+ kune vasingaongi nevakaipa.
36 Rambai muchiva nengoni, sezvo Baba venyu vaine ngoni.+
37 “Uyezve, regai kutonga, uye hamuzombotongwiwo;+ uye regai kupa mhosva, uye hamuzombopiwiwo mhosva. Rambai muchisunungura, uye muchasunungurwawo.+
38 Garai muchipa, uye vanhu vachakupaiwo.+ Vachadurura chiyero chakanaka muhomwe inovapo kana nguo yenyu yapetwa, chakatsindirwa, chakazunguzirwa uye chinofashukira. Nokuti nechiyereso chamuri kuyera nacho, vachakuyereraiwo nacho.”+
39 Zvino akavaudzawo mufananidzo, achiti: “Bofu ringagona kutungamirira bofu here? Ose ari maviri haangawiri mugomba here?+
40 Mudzidzi haapfuuri mudzidzisi wake, asi munhu wose anonyatsorayiridzwa achafanana nomudzidzisi wake.+
41 Saka unotarisirei kabanzu kari muziso rehama yako, asi usingaoni danda riri muziso rako?+
42 Ungati sei kuhama yako, ‘Hama, rega ndibvise kabanzu kari muziso rako,’ asi iwe usingatariri danda riri muziso rako iro?+ Munyengeri! Tanga wabvisa danda riri muziso rako,+ ipapo uchanyatsoona mabvisiro aungaita kabanzu kari muziso rehama yako.+
43 “Nokuti hapana muti wakanaka unobereka chibereko chakaora; zvakare hapana muti wakaora unobereka chibereko chakanaka.+
44 Nokuti muti mumwe nomumwe unozivikanwa nechibereko chawo.+ Somuenzaniso, vanhu havatanhi maonde paminzwa, uyewo havacheki mazambiringa pagwenzi reminzwa.+
45 Munhu akanaka anobudisa zvakanaka papfuma yakanaka+ yomwoyo wake, asi munhu akaipa anobudisa zvakaipa papfuma yake yakaipa; nokuti muromo wake unotaura zvinobva pazvizhinji zviri mumwoyo.+
46 “Zvino, nei muchinditi ‘Ishe! Ishe!’ asi musingaiti zvinhu zvandinotaura?+
47 Munhu wose anouya kwandiri, onzwa mashoko angu, oaita, ndichakuratidzai kuti akafanana naani:+
48 Akafanana nomunhu aivaka imba, akachera, akadzika pasi chaipo, akaisa nheyo padombo guru. Naizvozvo, pakauya mafashamo,+ rwizi rwakarovera nesimba paimba iyoyo, asi rwakanga rusina kusimba zvokuizunungusa, nokuti yakanga yakanyatsovakwa.+
49 Asi, uya anonzwa mashoko angu, orega kuaita,+ akafanana nomunhu akavakira imba yake paivhu pasina nheyo. Rwizi rwakarovera nesimba pairi, ikabva yangoputsika, uye imba iyoyo yakaparara zvachose.”+